Revai anoiswa mukamba kevasungwa

26 Jun, 2014 - 16:06 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 4 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Mambo anomukarira neizwi rinovhundutsira Revai ndokuona kuti hazviiti kutaura nyaya yake nemudzimai waMazvikokota. Anoti asvika usiku paasvika pamba dzepazimuti guru, haazopedzi muromo uyu mambo apindira. Anoti hazvisiri izvo zviri kurehwa namambo asi kuti angoerekana atove kurwiswa apo azopotswa nepfumo. Ainge achida kukumbira chekudya nepekutsenhama usiku uhu chete.

Mambo anoti manyepo ose aya ndokuti atorwe aiswe mukamba kevasungwa, Pondai naChigange vachimuchengeta. Vanomutora ndokumusunga mbira dzakondo kwava kuzomutova mbonje iya yekutekeshwa netsvimbo yainge yazvimba kwazvo. Pondai anomutsvagira chekudya iye Revai ndokumutenda chaizvo.

ONGORORO
Tinosangana nezvinonetsa (humorous nature) muchitsauko ichi. Setswa dzemuverengi dzinosekedzanwa apo anoverenga zvinotaurwa nemudzimai waMazvikokota apo anoti, “Tinozonyarira pai ranga riri gora rakuvhundutsai murume mukuru?” (44). Revai apo anoona kutya kunoita Mazvikokota pakutiza afunga kuti aona shumba anofa zvake nekuseka izvo zvinoita kuti muverengi abve asekawo. Izvi zvinovedzera nekushandiswa kunoitwa enzaniso. Zvinonzi, “Ndihwo hunonzi umbwende chaihwo uhwu. Kutya sebete kudai, muno munokarove nembwende dzega dzega. Rume rinomhanya iri hei, kuita semudhenderende kudaro” (44). Pane dzimwe nguva apo tinosangana nemunyori achimbobva mugwara renyaya oshandisa musambo wokudzidzisa (didactive tone).

Tinotanga kusangana nemusambo uyu apo munyori anoti, “Chinove ndicho chinhu chinowanikwa pane vakawanana vasina tenderano yeruvimbiso inoenzerana mativi ose. Kazhinji mumwe wevaviri vanowanana kana achizvidinga asingazvibate semunhu wemhuri, zvinokonzera mvongamupopoto nguva dzose. Dzimwe nguva panove nekufungirana kwakawanda, zvinopa miedzo mizhinji” (39).

Tinozosanganazve nemusambo uyu papeji 43 apo munyori ari kutaura maererano nemaitiro aMazvikokota inove tsika inoitwa nevarume vakawanda. Zvinonzi naye, “Ndiwo muitiro wevamwe vanenge vapererwa nezano kana vopira nyaya yavo kune vamwe”.

Tinosangana nenyeuriro yemusoro webhuku iri papeji 41 iyo inotibatsira kuti tinzwisise dingindira renyaya iyi. Revai ari kutaura pfungwa dzake maererano nechinangwa chake panguva iyi. Anoti, “Ndinofunga ndiyo honzeri yerushusho rwemurume uyu hazvinei hazvo, ndinofa zvangu ndamboedza”.

Nhambanwa yevatambi (dramatic irony) tinoiona ichibatsira kuti nyaya inakidze uyewo nekubatana kuda kuverenga nyaya kwemuverengi. Isu vaverengi nemumwe munhu kana vamwe vanhu vari munyaya tiri kuziva zviri kuitika asi mumwe munhu hapana zvaari kuziva.

Muenzaniso watinoona unoti, “Manyemwe ake akange ari ekuti mukadzi akanga amushora zvikuru pakutiza kwaakaita. Uyuwo mukadzi aida kuti zano rake rizadziswe” (45).

Isu naRevai tiri kuziva chatizwa naMazvikokota asi iye haasi kuchiziva. Isu nemudzimai waMazvikokota tiri kuziva nezvezano rarongwa nemudzimai waMazvikokota rekuda kupa Revai chekudya asi Mazvikokota hapana nechaari kuziva.

Kudimikira tinokuona kuchishandiswa. Zvainge zvafungwa kuita naRevai zvaive zvakaoma zvichida ushingi hukuru saka zvichidimikirwa zvichinzi, “. . . kutakura nhoro nefudzi mhembwe woita hakata” (36).
Enderero mberi svondo rinouya.

 

Share This:

Sponsored Links