Rima hanyanisi zvine pundutso

25 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Wendy Madzura

CHOKWADI kutaurirwa hunyimwa mbare dzekumusana. Waingova mufaro chete paMazowe Citrus apo varimi vaikohwa hanyanisi dzavo dzemhando yehybrid idzo dzavakarima kubva kuSeed Co.

Mhando dzehanyasisi dzakarimwa pamunda iRegent F1 neSaturn F1. Mhando yehanyanisi idzi yakanaka zvikuru nokuda kwekuti varimi vanokwanisa kudzichengeta kwenguva refu (mwedzi mina kana mishanu) vasati vatengesa. Izvi zvakanaka nokuti varimi vanokwanisa kutengesa hanyanisi dzavo panguva yekuti mitengo inenge yakwirira.

Panguva iyi varimi vanobva vawana mari yakawanda yavanosara nayo muhomwe iya inonzi “profit” pachirungu.

VaMhizha vepaMazowe Citrus vakapupura kuti, “Chimwe chakanakira hanyanisi idzi inyaya yokushingirira kubva kuzvirwere zvinonetsa kusanganisira chiya chekuomesa mashizha ehanyanisi chinonzi pachirungu leaf blotch.

“Tinoona zvakare kuti hanyanisi idzi hadzikasiri kubatwa nechirwere chekuita mavara matsuku anenge ngura iya inonzi rust pachirungu. Mbeu idzi dzinoita dzinde rakatetepa izvi zvinobatsira kuti hanyanisi dziome nekukasira.”

Vakuru vakareva vakati kuziva mbuya huudzwa. Chokwadi kuziva hunaku hwehanyanisi dzeSeed Co hunge wanzwa nevakambodzirima.

VaMatangi vepaGlenra Estates vakatipa mashoko avo omufaro apo vaikohwa hanyanisi dzavo dzeElad F1 kubva kuSeed Co.

Iyi mhando yehanyanisi ine hunaku humwe chete nehweSaturn neRegent asi inochiwedzera kufadza nokuti ine chipo chamazuva mashoma okusvika pakuibva (90 -120 days).

PaGlenara Estates pakarimwa hanyanisi idzi zvemhando yepamusoro zvokuti vakapupura kuti vaiwana goho raisvika pakati pa80 – 100t dzehanyanisi pahekita imwe chete.

VaMatangi vakakurudzira varimi kuti, “Pakurima, zvakakosha kuti varimi vatevedze tsika dzakanaka dzekurima, aya anonzi maGood Agronomic Practices/GAP pa chirungu.

“Zvakakosha zvikuru kuti varimi vatevedze nguva yekudyara, hanyanisi dzinoda kudyarwa panguva yechando. Hanyanisi hadzidyarwi panguva yekunaya nokuti dzinoda chando kuti dzibumbe zvakanaka.”

Kurima zvine pundutso kunoda kuti murimi ave nehukama hwakadzama nemunda wake. Apa tinoreva kuti murimi anofanira kufamba mumunda wake nguva nenguva achiita iya yatinoti regular scouting pachirungu.

Izvi zvakakosha zvikuru nokuti murimi anokwanisa kuona dambudziko retwumbuyu, nhata kana sora rinenge rapinda mumunda.

Kana murimi akakurumidza kuona dambudziko zvinoita kuti apfapfaidze mishonga dambudziko risati raenderera uye mbesa isati yafa kana kukanganisika pakukura kwayo.

Rangarirai kuti kurima zvine pundutso kunotanga nekusarudza mbeu zvine hungwaru.

. Kubva kuMudhumeni weSeed Co,

Wendy Madzura uyo anobatika panhare dzinoti 0713 270 080 / 0773270080

Share This:

Sponsored Links