Rima manwiwa zvine unyanzvi

05 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Rima manwiwa zvine unyanzvi Mavise kana kuti manwiwa

Kwayedza

Bright Musakanda

MAVISE kana kuti manwiwa (water melon) chirimwa chakatangira kuno kudunhu reSouthern Africa.

Mavise ari mumhuri imwe chete nezvirimwa zvakaita semagake (cucumbers) nemanhanga (pumkins) inonzi “cucurbitaceae”.

Kambani yePrime Seed Co ine mbeu dzemanwiwa dzakasiyana-siyana dzinosanganisa Cremson Sweet, Charleston Grey, Congo neimwe yepamusoro (hybrid) inonzi Kito.

Regai ndibate zvakanyanya nezveKito F1 rinova nwiwa ranetsa pakutengwa nekuda kwemakuriro, maberekero nemanakiro arinoita.

Kito F1 ivise remhando yepamusoro uye rinoshingingiri zvirwere zvakawanda. Rinobereka zvakanyanyisa zvekuita vana vashanu padzinde roga-roga uye rinonakisa, rakatsvuka kuti piriviri mukati maro.

Nwiwa iri rinobereka vana vanorema 8 kusvika 12 kgs. Pahekita imwe, unowana gohwo rinoita matani 150 uye rinotora mazuva anokwana 70 kusvika 80 kuti riibve mumunda.

Kito rinodyarwa kubva muna Nyamavhuvhu kusvika kutanga kwaChivabvu.

Manwiwa chirimwa chisingawirirane nechando, nekudaro anoita zvakanyatsonaka munguva yekupisa. Chirimwa ichi chinoda kudziya kwekunze kuri pakati pe18 ne35 degrees Celsius. Asiwo, pane nzvimbo dzakaita seMiddle Sabi idzo dzinogara dzichidziya kana munguva yechando uko anokwanisa kurimwa muchando.

Ivhu:

Mavise anoita zvakanaka muivhu riya rinofamba mvura nemhepo zvakasununguka (well-drained soil) uye richichengetedza mvura zvakafanira. Ivhu racho rinofanira kuva nekakuvavirira nekakutapirira kepH 6.5 kusvika 7.0.

Fetireza:

Varimi vanokurudzirwa kutange vaongororesa ivhu ravo kunanamazvikokota vevhu, ndizvo zvinoita kuti tizoziva mhando nehuwandu hwefetireza ingadiwa nechirimwa pamunda. Pakudyara panodikanwa fetireza yepasi (Compound C) inoita 300kgs pahekita. Kana ari manyowa, panodiwa 50t pahekita. Panozodiwawo Ammonium Nitrate inoita 200kgs pahekita.

Upamhi:

Kana uchidyara manwiwa, unoisa mhodzi mbiri kana nhatu mugomba. Mazuva ano vamwe vanotanga vaita zvenesari, vozodyarurura mushure memavhiki matatu mbeu yava nemashizha matatu kana mana. Upamhu (spacing) yemavise hunofanirwa kunge huri pakati pe60cm kusvika pa100cm mumutsara ne150 kusvika pa200cm pakati pemitsara.

Kudiridza:

Manwiwa anoda mvura kuti akure zvakanaka asi isina kuwandisa. Mushure mekupedza kusima, anofanira kudiridzwa kaviri pasvondo asi nekufamba kwenguva munofanirwa kuzoderedza kusvika kukamwe chete pamasvondo maviri. Pakurima mavise murimi anofanira kugadzirira mishonga yekuuraya nhata netumwe twumbuyu twunonzi white fly kana kuti pumpkin fly.

Murimi anofanirwa kugara achibvisa masora mumunda mogara makachena. Izvi zvinoita kuti fetireza nemvura zvinyatsoshandiswa nechirimwa pasina kukwikwidzana nesora.

Kukohwa:

Zvimwe zvezvatinogona kuona nazvo kuti mavise aibva kusanduka kweruvara kwepaanenge akagara napo muvhu. Mavise anofanira kukohwewa paanenge ava kuda kuibva kuitira pakuzoendesa kumusika achiri akanaka. Kana tava kukohwa, tinofanira kuita zvekucheka rutambo rwunobva kuna amai tisaita zvekukakata nekuti zvinokonzera kuti muromo wenwiwa uzoora .

Varimi ndinokukurudzirai kuti mutenge mbeu dzingava dzemavise kana dzemugadheni kubva kukambani yePrime Seed Co nekuti dzakauchikwa zvemhando yepamusoro uye dzinopa goho repamusoro. Kana mune zvimwe zvamungada kuziva pamusoro pemanwiwa kana dzimwe mbeu, batai varimisi vePrime Seed Co vari kumatunhu ose enyika.

Mari iri muvhu, uye goho rakanaka rinotangira mumbeu dzePrime Seed Co.

l Bright Musakanda murimisi wePrime Seed Co kuMasvingo. Sunungukai kumubata panhare dzinoti: 0731 306020 kana 0777306020

 

Share This:

Sponsored Links