Rima zvinogutsa mhuri nenyika

03 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Rima zvinogutsa mhuri nenyika Kana uchida kurima zvine pundutso, zvinogutsa mhuri nenyika, rima mbeu dzakauchikwa.

Kwayedza

Wendy Madzura

KURIMA kwaveko mazuva ano kwave kwemhando yebhizimusi, nokudaro vavariro yemurimi inofanirwa kuva yekuti arime zvine pundutso.

Kurima zvine pundutso kunoita kuti varimi vawane zvokudya nokushandisa pamusha.

Kana vachinge varima zvine mutsindo, vanokwanisa kutengesa vowana mari yekuriritira mhuri.

Kana varimi vachinge vakunda kukwidza goho ravo, zvinobva zvaitawo kuti goho renyika rikwire (national yield average).

Nyika ikawana goho repamusoro, inokwanisa kupedza nzara yowana mukana wekutengesa zvinenge zvasara kunyika dzekunze.

Nyika inobva yawana mari yekunze yekushandisa kumutsa maindustry.

Izvi zvese zvinoburitsa pfungwa huru yekuti kurima zvekuvavarira kukwidza goho ndiyo yoga nzira yekupedza nzara mumusha nemunyika.

Zvadaro, zvakakosha kuti varimi vacherechedze chose chine mukana wekuvapa goho repamusoro.

KuSeed Co hwezva yevatungamiriri vedu ndeyekuti tipedze nzara ndokusaka tichiti kune zvinhu zvizhinji zvinoita kuti murimi awane goho rakadzikira asi kuti awane goho repamusoro kune zvinhu zviviri chete zvinoti:

Kusarudza mbeu yeSeed Co zvine hungwaru inoenderana nenzvimbo (region) nemwaka (seasonal forecast).

Kurima negwara rinokurudzirwa (Good Agronomic Practices/GAPs).

Tichitarisa manairo ave kuita mvura mazuva ano maringe nekushanduka kwaita mwaka, (climate change), tinoona kuti varimi vazhinji vari mubishi kutanga kudyara mbesa dzavo nokuda kwekuti mvura inokwana kudyara yanga isati yanaya zvakakwana. Vamwe varimi vakadyara nemvura shoma yainge yanaya zvinova zvakakonzera kuti mbesa dzitadze kumera zvakanaka. Naizvizvo varimi ava vari kutora mukana wemvura yakanaya mavhiki maviri apfuura kudyarurura kana kutangidza kudyara mbesa dzavo.

Shuviro yedu ndeyekuti varimi vasvike pakunzwisisa kukosha kwekuziva huwandu hwemvura inenge yanaya kuburikidza nekutenga mudziyo wekuyera mvura (rain gauge). Izvi zvinobatsira kuti varimi vazive kuti kwanaya here mvura inokwana kuti mbeu imere igobuda (germination & emergence) inenge ine huwandu hunopfuura 35mls mumazuva matatu akatevedzana (effective rain).

Panguva ino yemwaka varimi vechibage vanokurudzirwa kusarudza mbeu nehungwaru maringe nekureba kwemwaka kunharaunda. Varimi vanofanira kuziva nguva dzose kuti Seed Co musha mukuru wembeu une mbeu inoenderana nemurimi wose. Tinodaro nokuti Seed Co inouchika mbeu dzine huchenjeri hwekunzwisisa mamiriro okunze (climate smart varieties in light of climate change):

l Chokutanga kuSeed Co kwave nembesa yechibage inokasira kuibva kupfuura “tsoko” (400 series variety) inonzi “Tsuro” (300 series variety). Tsuro imbue inoibva mukati memazuva 90 – 120 zvichisiyana nenharaunda, uye ine chipo chekupfupika (short statured). Zvekupfupika izvi zvinobatsira kuti varimi vakwanise kudyara madzinde akwanda pandima vasingatyiri kuti inodonha mumunda (lodging).

Seed Co inouchika mbeu dzinoshingirira kudziya kwekunze (heat stress tolerant)

Seed Co inouchika mbeu dzinoshingirira zuva kumhuri yembeu dzemwaka murefu “Shumba” (600 series) pamwe chete ne“Nzou” (700 series).

Mbeu idzi dzinotora mazuva akawanda dzisina kuomerwa dziri mumunda kunyanya kana dzichikura mhumhu (vegetative stage).

Seed Co inouchika mbeu dzine chipo chokushandisa chikafu chiri muvhu nekukasira (nitrogen use efficiency). Izvi zvakakosha takatarisana nemanairo ave kuita mvura mazuva ano ane mukana wekudzikisa mafotireza muvhu (leaching).

Seed Co inouchika mbeu dzinoshingirira kuzvirwere zvakasiyana-siyana kusanganisira zvitsvenga pamashizha (leaf blights), mitsara michena pamashizha (maize streak virus) pamwe chete nezvirwere zvekuora (cob rots).

Nokuda kweizvi, varimi vanoyeuchidzwa kuti Seed Co ndiyo musha wegoho guru panguva dzose dzemwaka.

Tsoko “mukadzi usaende” iriko inoibva mumazuva (115 – 127). Mbizi inova mbeu inorimika nharaunda zhinji dzeZimbabwe iriko kunyanya Mbizi itsva SC 529. SC 529  ine hunaku hwakasiyana-siyana hwunasanganisira kupa goho repamusoro (11 t/ha). KuShumba kune SC 649 inova itsva inopa goho rinodzvova (>14t/ha). Kune vane madiridziro Nzou iriko kukupai goho rinopinda dzimwe mbeu dzose dziri pamusika (> 16t/ha).

Wendy Madzura mudhumeni mukuru weSeed Co (head of Agronomy). Anobatika pa 0732270080

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey