Rimai kudya kunovaka muviri: Shiri

05 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Rimai kudya kunovaka muviri: Shiri Rtd Chief Air Marshal Perrance Shiri

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE inoti iri kukurudzira varimi kuti varime zvirimwa zvine kudya kunovaka muviri zvakapamhidzirwa (bio-fortified crops), zvikuru sei bhinzi idzo dzine iron yakawanda izvo zvinobatsira mukusimudzira utano hwevanhu pamwe nekuwanisa mabasa.

Bio-fortification zvinoreva nzira yekuvandudzwa kurima kuti pange pachiburwa goho guru uye rinopa utano.

Gurukota rezveminda, kurima nekusimudzirwa kwemaruwa, Retired Chief Air Marshal Perrance Shiri vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika muguta reHarare pazuva rekuparurwa kwechirongwa cheTechnologies for African Agricultural Transformation High Iron Bean (HIB) icho chakaitwa pasi pedingindira rinoti “Kutsigirwa Kwekurimwa Kwebhinzi Dzine Utano muZimbabwe”.

Chirongwa ichi chiri kutsigirwa nesangano reAfrican Development Bank rakabatana neInternational Centre for Tropical Agriculture (CIAT) asi chichitungamirirwa neveDepartment of Research and Specialist Services vemuno.

Mabhindauko erudzi urwu ari kuitwa munyika sere dziri muAfrica dzinoti Zimbabwe, Malawi, Uganda, Kenya, Burundi, Tanzania, Rwanda neKenya.

Mumashoko avo akaverengwa naVaRingson Chitsiko vanova munyori mukuru kubazi iri, Rtd Chief Air Marshal Shiri vanoti mabhindauko ekurimwa kwebhinzi aya ari kutarisirwa kuti ange achiitwa nemhuri 20 000 kuti abatsire mukuvandudzwa kurimwa kwebhinzi zvichiwanisa veruzhinji mikana yekuita mabhizinesi anovapa chouviri.

Vanoti mabhindauko aya anofambirana nechirongwa cheHurumende cheNational Food Fortification Strategy icho chakaparurwa mugore ra2015 senzira yekuderedza nyaya dzekuondoroka kwevanhu nepamusaka pekushaya kudya kunovaka muviri.

“Kune nzira dzakawanda dzaiedza kuitwa dzakadai sekugadzirwa kwekudya kunovaka muviri saka tinozvikudza zvikuru muZimbabwe,” vanodaro.

Vanopembedza zvikuru mabhindauko eTAAT Projects mukutsigira chirongwa ichi vachiti pane mikana yekuti ange achipinda kumaruwa akasiyana uko kune vanhu vanotambura kuti vakwanise kuzviumbira misika inovapa mari zhinji.

“Nzira iyi iri nyore mukusimudzira mamiriyoni nemamiriyoni evanhu vanotambura nekuti bhinzi dziri nyore kurima uye vanowanawo kudya kwemhuri nekwekutengesa,” vanodaro Rtd Chief Air Marshal Shiri.

Vanoti vari kushungurudzika nekushomeka kwekurimwa kwebhinzi muZimbabwe uko vanoti kuri pasi zvikuru kana kuchitariswa huwandu hwechirimwa ichi hunodiwa munyika pagore.

“Nyika inoda matani anodarika 90 000 ebhinzi asi parizvino tiri kubura matani 26 000 kureva kuti dzichiri shoma zvikuru muno,” vanodaro.

Rtd Chief Air Marshal Shiri vanoti kurimwa kwebhinzi kuri kukanganiswa nekuda kwezvirwere, nzara uye ivhu rinenge risina kudya kwakakwana. Vanoti zvakakosha kuti pave nekurudziro yekurimwa kwebhinzi uye kuti varimi vawaniswe ruzivo rutsva rwunosanganisira mbeu dzemhando dzepamusoro kubva kumakambani akasiyana.

 

Share This:

Sponsored Links