Rimai mbambaira sebhizimisi — ZFU

29 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Rimai mbambaira sebhizimisi — ZFU

Kwayedza

Kingstone Mapupu
SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rokurudzira varimi kuti vatore kurima mbambaira sebhizimisi sezvo isingade zvakawanda mukuirima, inotirira kuzuva uye ichipawo mari zhinji.

ZFU executive director VaPaul Zakariya vanoti mbambaira iri nyore zvikuru kuirima kana ichienzaniswa nezvimwe zvirimwa.

“Ikurudziro yedu sevarimi kuti varime mbambaira chinova chirimwa chatinoti hachinetsi kurima, chinotipa mari yakawanda zvikuru kuburikidza nekutengesa uyewo tinowana kudya kwakawanda kubva machiri kune ruwomba mumiviri yedu. Vana vanogara vakagwinya vasingabatwe nezvimwe zvirwere zvinokonzerwa nekushomeka kwekudya mumiviri yedu,” vanodaro.

Vanoti feteraiza inodiwa muchirimwa ichi ishoma zvikuru kana zvichienzaniswa nezvimwe zvirimwa uyewo kusakura kwacho kuri nyore.

“Chirimwa ichi chinofambirana nekudziya kwekunze chichida mvura shoma uyewo nekusanduka kwave kuita mamiriro ekunze munyika ndicho chave kumhanyirwa nevarimi. Tine mayunivhesiti akawanda emuno, masangano nemakambani anouchika mbeu avo vari kuita ongororo netsvakurudzo yemarimirwo akanaka echirimwa ichi nekuvandudzawo mhando dzembeu yacho,” vanodaro.

VaZakariya vanoti kwekutengesera mbambaira hakunetsi sezvo kuine misika yakasiyana munyika muno, vemakambani uyewo vanhu vakazvimirira vanotengawo chirimwa ichi.
Mbambaira inonzi inotora mwedzi mitatu kana mina kuti iibve.

VaZakariya vanokurudzira varimi kuti vashande pamwechete nevarimisi vematunhu avo.
“Dzinde rembambaira rimwechete rinogona kutipa vana vatanhatu kureva kuti imbambaira nhanhatu. Tine zvirwere zvinobatawo chirimwa ichi izvo zvinorapika nemishonga yatinayo nyore. Zvirwere izvi zvinosanganisira potato scurf, white blister nestem rot,” vanodaro.

Mhando dzembeu yembambaira dzakawanda uye dzinosanganisira centennial, beauregard, jewel, bunch porto rico, stokes nevardaman.

Feteraiza inodiwa muchirimwa ichi, VaZakariya vanoti ndeyemhando yephosphates nepotassium iyo inoiswa iri shoma pane zvimwe zvirimwa.

Pahekita imwechete, murimi anogona kukohwa matani 25 kusvika 40 zvichisiyana nevhu rashandiswa uyewo nevarimi vacho nematunhu avanobva.

Kana varimi vakohwa, vanokurudzirwa kuchengetedza chirimwa ichi munzvimbo dzakaoma dzisingapinde mvura uye mbambaira inonzi inogona kugara kwenguva refu vanhu vachidya nekutengesa.

Share This:

Sponsored Links