‘Rimai mbesa dzinopa mari nekukasika’

15 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
‘Rimai mbesa dzinopa mari nekukasika’ Dr John Basera

Kwayedza

Abel Ndooka
NYANZVI munyaya dzekurima Dr John Basera vanoti varimi vanofanirwa kurima zvirimwa zvinovapa mari nekuchimbidza zvinosanganisira soya bhinzi, mhunga, miriwo, matomatisi, makabhichi nemacarrots kwete kungomirira kurima chibage chete.

Vachitaura svondo radarika muHarare pagungano refield day rakarongwa neveNational Tested Seeds, Dr Basera — avo vaive muyenzi anoremekedzwa — vanoti zvakakosha kuti varimi vavandudze mabasa avo kuburikidza nekurima mbesa dzinoita kuti vawane mari nekukasika.

“Murimi unofanirwa kurima zvirimwa zvakasiyana kuti nguva ipi neipi unge uchitumira zvirimwa zvako kumusika zvichinotengeswa iwe uchiwana mari.

“Musangomirira kurima chirimwa chimwechete sekuzviti uri murimi wechibage kana fodya. Muenzaniso, kana uchirima chibage chinorimwa munaGunyana, Gumiguru uye Mbudzi uchizochikohwa munaKubvumbi saka pamwe pese apa mari uri kuhoresa sei vashandi uye uri kugadzirisa sei michina yako yekurimisa?

“Ndipo paye panozonzi papurazi hapanakidze kugara nekuti unenge une zvikwereti, une zvikwereti kuvashandi uye une zvikwereti kune vanogadzira michina yako yekurimisa.

“Saka varimi ngatitangei kurima zvimirwa zvinochimbidza kuunza mari ndokuti papurazi pagarike,” vanodaro.

Dr Basera vanoti maringe nemutemo weAgri Business Management — uyo unokurudzira kuitwa kwemabasa nenzira inopa murimi pundutso — murimi wese panopera mwedzi miviri anosungirwa kunge achitumira zvirimwa zvake kumusika.

“Mutemo chaiwo weAgri Business Management unotaura kuti pamwedzi miviri murimi unofanirwa kutumira zvirimwa zvako kumusika zvinotengeswa uye kana uchizvikwanisa kamwechete pamwedzi kana pasvondo chaipo kana zuva rega-rega zvingatonake,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey