Uncategorized

‘Ring’ rinodzivirira HIV

07 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
‘Ring’ rinodzivirira HIV Dr Linda-Gail Bekker

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reInternational Partenership for Microbicides (IPM) riri kugashira nemaoko maviri ongororo yakaitwa neEuropean Medicines Agency (EMA) mukuunza ringi rinobatsira mukurwisa hutachiona hweHIV (Dapivirine Vaginal Ring) iro rinoshandiswa nevanhukadzi vane makore 18 zvichienda mberi kuti vasatapurirwe kana kutapurira HIV.

Ringi iri rinoshandiswa kamwe chete pamwedzi rakavepo senzira yekusimbaradza nyaya dzeutano hwevanhukadzi izvo zvichaona vasikana nemadzimai vakawanda vachichengetedzeka zvichitevera kuwanda kuri kuita nyaya dzehutachiona hweHIV, zvikuru munyika dziri mudunhu reSub- Saharan Africa.

Kuongororwa kwakaitwa ringi iri kuchava hwaro hutsva apo richatanga kushandiswa.

“SeEMA, tinoona riri danho guru rinokosha kumadzimai anenge achidawo nzira itsva dzinobatsira mukuchengetedza utano hwavo, kunyanya mukurwisa HIV iyo isati yawanirwa mushonga unoipedza,” vanodaro Dr Zeda F Rosenberg vanova chamangwiza wesangano reIPM.

Sangano iri rinoshanda rakazvimiririra uye ndiro rakabura Dapivirine Vaginal Ring.

Kushandiswa zviri pamutemo kweringi iri kwakazadzikiswa pasi pemutemo weArticle 58 EMA’s Committee for Medicinal Products for Human Use vachishanda pamwe nesangano reWorld Health Organisation kuitira kuti vanhu vari kunyika dzichiri kubudirira vabatsirikane.

Ongororo yeringi iri yakaitwa nemushandirapamwe wenyika dzepasi rose uye yakatora makore 16 kuti izosvika pakubudirira gore rino.

Dr Rosenberg vanoti ringi iri richabatsira mukuderedza mikana yekutapurirwa kana kutapurira HIV nechikamu che35 percent uye rinogona kushandiswa nemadzimai asingade kutora mapiritsi avo emaAnti-retroviral drugs zuva nezuva.

“Madzimai anogona kusangana nemhirizhonga yechibharo, nekudaro kana vachinge vaine ringi iri pane mikana yekuderedza kutapurirwa hutachiona hweHIV. Kuvapo kweringi iri kuchaita kuti kodzero dzemadzimai nevasikana dzeutano dzizadzikiswe,” vanodaro Dr Linda-Gail Bekker vanova deputy director weboka reDesmond Tutu Health Foundation uye zvakare vaimbova mutungamiriri weInternational AIDS Society.

Mukushandiswa kweringi iri, madzimai anoripfekera musikarudzi richigaramo kwemwedzi wose vachizoribvisa voisa rimwe panotanga mumwe mwedzi.

Ringi iri rakagadzirwa ne”silicon” iyo inopota ichiburitsa mushonga wemaARV Dapivirine pashoma nepashoma uchipinda mumuviri.

Munyika dziri muAfrica, riri kutarisirwa kuvamo mugore ra2021.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey