ROAZ yobatsira kurwisa Covid

22 Dec, 2021 - 16:12 0 Views
ROAZ yobatsira  kurwisa Covid

Kwayedza

Colin Moyo

SANGANO reRestaurant Operators Association of Zimbabwe (ROAZ) riri kupa nzvimbo dzaro kuti dzishandiswe semizinda yekubaira vanhu majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 nechinangwa chekuti Zimbabwe izadzikise chishuwo chayo chekuti chikamu che60 percent chevanhu vose vari munyika vabaiwe nhomba kuti inge yakadzivirirwa kubva kudenda ranetsa pasi rose iri.

VaBongani Zamchiya, avo vanova mukuru weROAZ, vanoti marestaurants agara achitsigira chirongwa chekubaiwa kwevanhu nhomba uye chikamu che95 chevashandi vavo vakatobaiwa majekiseni aya zvizere.

“Pamwe chete nekuda kwekuti nzvimbo dzemarestaurants dzimwe dzakatsvinda zvikuru uye dzine mabhizimisi anofambiswa zvakanaka, zvinoita kuti dzikodzere kubairwa vanhu nhomba dzeCovid-19 uye nhengo dzedu dzose dzinokwanisa kubatsira panyaya iyi nechinangwa chekutsigira chirongwa chekubaiwa kwemajekiseni,” vanodaro VaZamchiya.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinovimba kuti tichaitawo chikamu chedu mukutevedzera matanho ose akananga kudzivirira kupararira kweCovid-19 uye kupedza denda iri.”

VaZamchiya vanoti zvakakosha kuti vemarestaurants vatore matanho ekudzivirira kupararira kweCovid-19 sezvo vari pakati pevamwe vemabhizimisi anonyanya kukanganiswa nezvirongwa zvelockdown uye gore rapera havana kutenderwa kushanda senzira yeHurumende yekuedza kumisa kupararira kwedenda iri.

“Pamusoro pezvo, tine mwedzi inosvika 20 apo taive takavhara kana kuti tisingashande zvakazara uye zvange zvakaoma muchikamu ichochi, asi kana tichitenderwa kuti tirambe tichishanda apo makasitoma achidyira munzvimbo dzedu zvichienderana nezvinotarisirwa pasi rose, tine idi rekuti tinokwanisa kusimudzira mabhizimisi edu uye panguva imwe chete tichidzivirira kupararira kweCovid-19,” vanodaro.

VaZamchiya vanoti nhengo dzesangano ravo dzakazvipira kutevevedza zvizere mitemo iri kukurudzirwa neWorld Health Organisation (WHO) pamusoro pekurwisa Covid-19 uyewo zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzera matanho iwaya.

“Tinokurudzira kuti veruzhinji vose muZimbabwe vabaiwe nhomba dzekudzivirira denda iri uye kana tichikwanisa kuve nezvatinobatsira nazvo panyaya iyi, tichabatsira nemufaro mukuru,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links