‘Roja randishaisa rugare’

26 May, 2023 - 16:05 0 Views
‘Roja randishaisa rugare’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MUDZIMAI anogara muMajubeki, kuMbare, muguta reHarare, apotera kudare reHarare Civil Court achiti roja repamba pake riri kufamba richiudza vanhu kuti anoda kuuraya vanin’ina vake, agodya nyama yavo.

Pedzisai Kuguyo anoti Idah Nyika anogara achimutuka.

“Muroja uyu anouya zuva nezuva achindituka kuti ndiri kuda kuuraisa vanin’ina vangu, ndigozodya nyama yavo. Ndiri kushaya kuti ari kuzvitora kupi uye chinondinetsa ndechekuti pese paanoita izvi, vanin’ina vangu vanenge vakatarisa asi vanoramba vakanyarara. Mumwe musi akasvika pakundirova vakatarisa,” anodaro Kuguyo.

Anoenderera mberi achiti: “Imba yatiri kugara ndeyevabereki vedu vakashaya uye yakasiiwa iri muzita rangu. Ndiri kushaya kuti vanin’ina vangu vapindwa nei nekuti ndini ndakavachengeta kubvira vachiri vadiki, vanofara chaizvo kundiona ndichitambudzika.

“Ndinokumbirawo dare rindibatsire ndikwanise kugara zvakanaka murunyararo pamba pangu.”

Idah Nyika haana kuenda kudare.

Mutongi Tamara Chibindi vapa Kuguyo gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey