Roja rine ruwoko rwurefu rasungwa rabira rimwe roja

07 May, 2024 - 11:05 0 Views
Roja rine ruwoko rwurefu rasungwa rabira rimwe roja Bhegi

Mashudu Mambo

MURUME wekuBulawayo akamiswa mudare reko nemhosva yekuba bhegi (handbag) remukadzi waanoroja naye paimba yemudurikidzwa (flat) iro raive nemari, nharembozha nemamwe magwaro anokosha.

Jonathan Ngwenya akamiswa pamberi pemutongi wedare raBulawayo Magistrates’ Court, Challenge Mahembe, achipomerwa mhosva yekuba. Akabvuma mhosva yake ndokunzi abhadhare mari yebhera uye achadzoka mudare kuzopihwa mutongo wake munguva pfupi iri kutevera.

Dare rakaudzwa kuti nemusi wa22 Kubvumbi gore rino, pane imwe imba yemudurikidzwa pakati peguta reBulawayo, Ngwenya akapinda mumba maBlessing Tafirenyika ndokuba handbag yaiva nenhare yemhando yeHuawei Y9, US$69, R150 nemamwe magwaro anokosha ndokuenda.

Tafirenyika akazoona kuti bhegi rake rakanga rabiwa achibva anomhan’ara nyaya iyi kumapurisa. Ongororo yakaitwa ndokubva Ngwenya asungwa mushure mekunge awanikwa aine nharembozha yemuridzi.

Mune imwewo nyaya isingadyidzane neiyi, Pretty Magutshwa naArchiford Tembo vakamiswa pamberi pemutongi mumwe chete nemhosva yekubira muvakidzani wavo masitepisi esimbi anoshandiswa pakukwira pasiteji.

Vakabvuma mhosva yavo uye ndokupihwa bhera vachinzi vazodzoka kudare munguva pfupi iri kutevera.

Dare rakanzwa kuti nemusi wa26 Kubvumbi gore rino, vaviri ava vakarangana kuba masitepisi esimbi aive pamba paOppress Chaka. Vakaenda kumba kwaChaka ndokuba masitepisi aya ndokuatengesa kunaJuly Mudenda neUS$15.

Chaka akamhan’ara nyaya iyi kumapurisa uye ongororo yakaitwa zvikazoita kuti vaviri ava vasungwe.

Zvakabiwa zvinokosha US$150 uye zvose zvakawanikwa.

Share This:

Sponsored Links