Roja roda kurova muridzi wemba

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Roja roda kurova muridzi wemba

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
MUKADZI wemuHarare ari kudemba kutora kwaakaita roja kuti rigare pamba pake sezvo achiti rava kugara richivimbisa kumurova uye rinomutukirira pamusoro pekusabhadhara mari yerendi.

Loreen Munaki akaendesa Tanaka Mutava kudare reHarare Civil Court achikumbira kuti abviswe pamba pake.

“Ndauya kuno kudare nechikumbiro chekuti murume uyu abve pamba pangu nekuti haasi kuda kubhadhara rendi. Akatanga kugara pamba pangu munaMbudzi gore rapera, akangobhadhara rendi kwemwedzi miviri chete. Kubva ipapo haana kuzobhadhara futi kusvika nanhasi,” anodaro Munaki.

Munaki anoenderera mberi achiti, “Nyaya yava kunyanya kundinetsa ndeyekuti kumba kwangu ndava kutya kuenda nekuti ari kundivimbisa kurwisana neni kana kundirova kana ndikaramba ndichimuti abve pamba pangu zvisinei nekuti haasi kubhadhara.

“Chinondirwadza ndechekuti ndiye akauya kuzotsvaga imba ndikawirirana naye kuti anobhadhara $25 pamwedzi zvisinei nekuti hatina kunyorerana pasi. Mari iyoyo haasi kubhadhara.”

Mutava anopikisana nemashoko aya achiti akaita zvekutsvagwa naMunaki uye achazobva pamba apa kana ava nemari yekuenda kunogara kumwe.

“Handisirini ndakauya pamba pemumhan’ari ndichitsvaga imba asi kuti ndiye akanditsvaga. Uyu muzukuru wangu akanditsvaga akati sekuru huyai mugare pamba pangu muchipaona kuitira kuti maroja aripo akabva panosara paine munhu wekuziva.

“Mukugarisana naye, pakazoita kusawirirana nenyaya yekusapinda kwemari yangu kubhengi uye kunonoka kuwana mari. Ndipo paakanditi ibva ndikati handibvi kunze kwekuti kana ndawana mari yekuti ndikwanise kunogara kumwe ndichizvibhadharira. Zvekuti ndiri kumuvimbisa zvibhakera manyepo ekufadza dare asi tinombopopotedzana,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaMunaki ndokuti anofanira kuenda kudare rinoona nezvekubvisa vanhu vanenge vachirambira padzimba dzisiri dzavo nerinotonga nyaya dzekudzora zvikwereti.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey