Roja rovimbisa muridzi wemba rufu

01 Sep, 2022 - 15:09 0 Views
Roja rovimbisa muridzi wemba rufu Western Commanage Courts

Kwayedza

Danisa Masuku

KWEMWEDZI mitanhatu yadarika, Cathrine Ndiweni (34) wekuNjube kuBulawayo anoti ari kutadza kurara zvakanaka nekuti muroja wake pose paanodzoka kubva kudoro pakati pehusiku, anovhura gonhi rake nechisimba uye orirovera pamwe nekumutuka.

Anoti kubva munaKurume gore rino, ari kuoneswa pfumvu nemuroja wake anonzi Tobias Dube.

Dube anonzi anotukirira Ndiweni achiti ndiye akafurira mukadzi wake uyo waakarambana naye.

Ndiweni anoti muroja wake anomupomera mhosva yekukonzeresa mhirizhonga muwanano yake izvo zvakazoita kuti mudzimai wake amusiye.

Anoti azama kuti ataurirane mune zvakanaka naDube asi zvose zvashaya basa.

Ndiweni akambomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuchikamu cheVictim Friendly Unit apo Dube anonzi akavimbisa kuti aizosiyana nekatsika kake aka.

Achiona kuti haasi kusanduka hunhu hwake, Ndiweni akazopotera kudare reWestern Commonage Courts achitsvaga gwaro rinomudzivirira.

Mumagwaro ake ari mudare anoti: “Ini ndinonzi Cathrine Ndiweni. Ndiri kukumbira gwaro redziviriro kubva kumuroja wangu Tobias Dube.

“Paanodzoka kumba pakati pehusiku, anoita ruzha rwusingaite achirovera pagonhi rangu achindipomera mhosva yekukonzera matambudziko muwanano yake zvakazoita kuti mudzimai wake amusiye.

“Ndava kutotyira upenyu hwangu nekuti anogara achindityisidzira kuti achandiuraya. Saka ndiri kukumbira gwaro redziviriro.”
Mutongi Jeconia Prince Ncube akapa Ndiweni gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links