Rondedzero dzine hudzamu

19 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
MUCHIRONGWA chevhiki ra05 Chikunguru 2019 ndakavimbisa kuti ndaizodzoka ndichipedzisa bandiko rerondedzero. Nemhaka yekuti zvikoro zvizhinji zvichange zvonyora bvunzo dzakakosha zvikuru musvondo riri kutevera, ndati ndipedzise chirongwa ichi kuti kana tononyora bvunzo dzedu, tiwanikwe takazendamira pakanaka.

Bvunzo irori repakati pegore regwaro rechinomwe rakanakira kuti ndiro rinoshandiswa nevana kuenda kunotsvaga nzvimbo dzezvikoro zvesekondari nekudaro rinoda kuitwa zvakanaka.

Sekutaura kwandinogara ndichiita, ndinoda kuramba ndichiyeuchidza vana kuti rondedzero ndiyo chete inotitadzisa kuwana goho remhando yepaumusoro kubikidza nekukwenywa kwainoitwa uko kwakasiyana nechirungu nekudaro inoda kunyatsonyorwa hana dzakadzikama uye tichiziva zvacho zvatiri kuda kunyora nezvazvo. Dzimwe mhando ndakabata muchikamu chapera nekudaro ndava kungosimudzira kuti tipedzise bandiko ratakasiya.

Kune mhando yerondedzero yaita mukurumbira mazuva ano iri kugarouya mubvunzo gore rega rega iyo inoda kuti vana vaizive vagogona kuinyora.

Tinoda kudzidza zvose nekuti bvunzo imimba isingazivikanwi zvichabudamo. Mhando iyi imhando yenhaurirano. Sekutaura kwatakamboita kumashure, vakwenyi vebasa vanoti iyi mhando ndiyo inotori nyore nekuti haina nhongwa dzakawanda nekuti inongoda chete kutevedzera mwero wayo.

Chekutanga ndechekuti hainetsi kusvitsa mwero wehurefu hwayo nekuti mazwi anoverengwa kuchisanganiswa mazita evanhu vachataura uye nekuwanda kwematauriro avachaita. Chechipiri ndechekuti ine zvirevo zvipfupi izvo zvisinganyanyoda tsumo namadimikra zvakawanda.

Nhaurirano yega inoratidza munhu kwainoda kuenda nako kubudikidza nepfungwa dzakapiwa pokutanga nekudaro hazvisi nyore kuti munhu agobuda mugwara. Chinongodiwa kungwarira chete panhaurirano ndechekuti inoda kuti munhu agone kunyora chinyorwa chisina mazwi anozodzoka kunobata kwakatangira pepa asi kuti chinoenderana nepanogumira mazita evari kutaura.

Tsamba dzinoita sekunge dzakapfawa kana tava pabvunzo asi tinozowona vana vachirasika zvekutadza kuwana goho rakanaka nekuti vanenge vasina kutevedza muronga chaiwo. Tsamba dzinoda kuti unzwisise zvadzinenge dzichida.

Tsamba zvadziri paviri tinofanirwa kunzwisisa kuti mubvunzo uri kuda tsamba ipi, yehushamwari here kana kuti yebasa.

Yehushahwira haina zvakawanda kunze kwekungonyora kero zvakaringana semadzidzisirwo zvisinei kuti kutangira kuruboshwe here kana pakati pepepa. Dambudziko rinozouya chete pamwero wehurefu nekuti kero, kumhoresa kana kuzita hazvizoverengwi pamazwi ehurefu hwerondedzero. Ndipo panozobaiwa napo vana vakawanda vatadza kusvitsa mwero.

Ingava tsamba yebasa iya yamakero maviri, ngoma ndiyo ndiyo yekuti pamakero ari maviri, kumhoresa kwacho uye kumazita ekuvhara tsamba hazvipindi pamwero wehurefu. Vana ndipo pavanobatirwa ipapo zvekuti vanoda chenjedzo vasati vapinda mubvunzo. Chinoverengwa mazwi mutumbi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey