Rongera gore ra2021

31 Dec, 2020 - 15:12 0 Views
Rongera gore ra2021 Wedzerai Nhemachena

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena

Munhu wese afarira kuuya kwegore idzva ra2021 aine chivimbo chikuru chekuti azadzise zvose zvaakakundikana kuita mugore ra2020. Shungu idzi anodziwana paye paanoona vamwe vachibudirira pasina kana mutsimba washandiswa ipapo. Vamwewo ndivo vanotarisa mumhu wemunhu kuti ini handingakundwe nangana.

Hapana chakaipa kupihwa shungu nevamwe kuti tigobudirirawo muhurongwa hwedu hwegore negore, nokuti kugara nhaka huona dzevamwe. Vanhu vakawanda vanopihwa shungu nekuona zvakanaka zvaitwa nevamwe mukufamba kwavanoita nokuti chitsva chiri murutsoka. Dare rino rinoda kukurudzira mhuri yeZimbabwe kuti kukundikana muhurongwa hwako haisi mhosva, asi chidanho chinotidzidzisa pekufamba napo pakanaka mangwana. Chakaipa ndiko kungogara tichisiya zvakadaro totarisa gore negore tichifunga kuti zvinhu zvichaita zvega.

Tikadaro tinosvika mukuchembera pasina zvataita zvatingagutsikanewo nazvo kuti pandakararama ndakaitawo pangu pakadai. Mhuri yako inofara nekuwanawo pekutangira kana waita chinhu chinobatika. Shungu ndiwo mushonga mukuru mukubudirira kwevanhu.

Dai pasina shungu, vazhinji vedu takakurira kumaruwa dai tiri kungoteya mbeva nanhasi. Vamwe takashanda nesimba tichida kuitawo samudhibhisi kumaruwa. Vamwewo takashanda nesimba tichida kunoona marobhoti atainzwa kuti anomisa motokari pamwe nekuti dzipfuure pamharadzano dzemigwagwa mumaguta. Asi shungu idzodzo dzakazoita kuti tizopfuurawo mudhibhisi, tikatengawo mombe dzedu, nekumaka mabhuku evana muzvikoro tave vanamudzidzisi.

Vamwewo takazotenga motokari sezvinoitwawo nevamwe. Regai nditi shungu idzodzi dzinowanikwa chete kana taita hurongwa hwakasimba mundangariro dzedu. Kana tadaro dare rinokurudzirazve kuti tibva tanyora pasi kuti tisazokanganwa patinoda kufamba napo. Nhamo yekusanyora pasi ndeyekuti zvinhu zvikawanda zvatinosangana nazvo mukati megore, tinozorasa zvimwe zvanga zviri muhurongwa hwedu zvikashaya basa. Vechidiki mazuva ano vanobva vati hurongwa hunodhakwa sekunge hwanwiswa chikokiyana.

CHENJEDZO:
Dare rino rinopfuurira mberi richiti kuronga patinoda kufamba napo gore negore kwakanakira mhuri dzedu, makambani edu, matunhu edu, nenyika yedu. Hazviratidze kujeka kuti varume nevakadzi vakuru vaite zvinhu zvamukira mumakumbo setsuro. Zvizhinji zvinomukira mumakumbo hazvibudirire nokuti tinenge tisina kuisa ndangariro dzedu nenjere mazviri.

Takaona makambani anoita zvinhu zvinongomukira mumakumbo setsuro. Kwaanosvika nezvaanobata hapana. Dare rinotizve tisavarairwe nerurimi rwatashandisa muhurongwa hwedu chete tisingaise hurongwa uhwu kuti hushande sekuronga kwatakaita. Pamusoro pezvo, ngatiite hurongwa hunowirirana nekuwana kwedu kwete kutevedzera zvekwangana. Kuwana kunosiyana. Nokudaro gore ra2021 ngaritaridze kuti tave vanhu vabva zera mudzimba dzedu, mumakambani edu, matunhu edu nemunyika yedu.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected] <mailto:wedzerainh
@yahoo.com>

Share This:

Sponsored Links