‘Rongerai remangwana’

28 Jul, 2022 - 15:07 0 Views
‘Rongerai remangwana’ Edzai Kachirekwa

Kwayedza

Abel Ndooka

NYANZVI dzemitambo yakasiyana dzakaita mukurumbira nedzichiri kutamba vokurudzirwa kuti vatangise mabhindauko nemari yavanowana senzira yekugadzirira remangwana ravo.

Kurudziro iyi yakabva kuna chamangwiza wekambani yePower Giants, Edzai Kachirekwa, uyo akavamba chirongwa chekufundisa shasha dzemitambo mabhindauko akatsaukana.

Kazhinji, shangwiti dzemitambo yemuno – kunyanya dzenhabvu – pavanozosendeka shangu dzavo vanotanga kudya nhoko dzezvironda nekuda kwekusarongeka.

Vamwewo ndivo vanotanga kuchema-chema vachiti havacharangarirwe neveruzhinji asi panguva yavaitamba nhabvu vaiwana mari yakawanda zvikuru vachitadza kurongera ramangwana ravo.

Kachirekwa anoti akatanga chirongwa chekubatsira shasha dzemitambo yakasiyana kuti dziite mabhindauko anovararamisa muhupenyu mushure mekuona kutambudzika kuri kuita vamwe vavo apo vasisaite zvemitambo.

“Shasha dzedu dzemitambo yakasiyana dzakatikoshera sezvo vanounza mufaro kwatiri nguva nenguva. Saka vanofanirwa kuti pavanozosiya zvemitambo vorarama hupenyu hunoyemurika.

“Kazhinji, pavanosendeka zvemitambo, ukasangana nevamwe unotovanzwira tsitsi vasisina chekubata. Saka ndakavamba chirongwa chekudzidzisa nekupa chenjedzo kushasha dzedu dzemitambo kuti panguva yavanenge vachiri kutamba mitambo, ngavagone kushandisa mari yavo nemazvo kuitira remangwana.

“Hupenyu hwevatambi hupfupi saka panguva iyo vanenge vachitamba nhabvu zvakakosha kuti mari yavanowana vatangise kuita mabhindauko anozovabatsira muhupenyu.

“Iyi ndiyo dzidziso tinoda kupa kune shasha dzedu kuti vagone kuzvigadzirira remangwana, vazive kuti havatambe mitambo kwehupenyu hwese asi pane pazvinozoguma,” anodaro Kachirekwa.

Anoti chirongwa ichi chiri kusanganisira zvakare vaimbi pamwe nevanoita zvemadhirama.

“Muchirongwa ichi, tichabatana nevaimbi uye vari mune zvemadhirama zvekare vanotitandadza nguva nenguva tichivadzidzisawo kugadzirira remangwana ravo,” anodaro.

Pakatanga chirwere cheCovid-19 muna2020, vatambi vemitambo yakasiyana-siyana vakasvika pakuomerwa zvakanyanya nehupenyu sezvo mitambo yakamiswa munyika muno nepasi rose senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Izvi zvakaona vamwe vatambi vachitanga kuita mabhindauko akatsaukana senzira yekutsvaga raramo.

Share This:

Sponsored Links