Ropa rava shoma: NBSZ

05 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Ropa rava shoma: NBSZ Dr Mapako

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
NATIONAL Blood Service Zimbabwe (NBSZ) inoti kuwanikwa kweropa rekupa varwere muzvipatara pari zvino kwaderera zvikuru zvichitevera matambudziko airi kusangana nawo mukuunza zvinodiwa mubasa rekutora ropa nekurichengetedza zvichibva kunze kwenyika.

Mukushi wemashoko kuNBSZ, Muzvare Esther Massundah, vanoti vari kutarisira kuzowana zvekushandisa izvi musi wa5 Chikumi.

“Tiri kuzivisa veruzhinji, kusanganisira vapi veropa nevemabhizimusi, kuti ropa nezvinodiwa mukugadzirisa ropa zvava zvishoma munyika nekuda kwekuti tiri kukundikana kupinza midziyo inodiwa mubasa redu semichina yekuvheneka ropa. Midziyo iyi iri kudhura zvikuru uye tiri kukundikana kuipinza munyika muno nenguva zvichitevera mitemo iriko panyaya dzekufambiswa kwezvinhu munguva ino yeCovid-19 (International Travel Restrictions). Kuwanikwa kwendege dzinotakura zvinhu kuri kunetsa zvekare,” vanodaro.

Vanoti zvinhu zvizhinji zvinoshandiswa mukugadzira ropa zvinobva kunze kwenyika uye dambudziko iri harina kutarisana neZimbabwe bedzi, asi nenyika dzose dzemuAfrica.

“Tiri kutarisira kusvika kwezvekushandisa izvi nemusi wa5 Chikumi zvinoita kuti tikwanise kutanga kushanda musi wa8 Chikumi uye marabhoritari edu acharamba achishanda zviri pakati nepakati kuitira kuti tizadzikise basa rose rinodiwa iro range risisina kumira zvakanaka. Tiri kutarisira kuti muzvipatara muchange mava neropa rakakwana munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro Muzvare Massundah.

Vanokurudzira vapi veropa kuti vaende kunzvimbo dziri pedyo navo kune mizinda inoita zvekutorwa kweropa.

“Vapi veropa vose takavapa matsamba ekufambisa izvo zvinoita kuti vasanetseke pakufamba, zvikuru munguva ino yelockdown. Tinokurukura navo tichivazivisa nezvemazuva atinenge tichiita zvirongwa zvekutora ropa, ivo voenda kunzvimbo idzodzo uye mapurisa tinovazivisa nezvezvirongwa izvi.

“Zvisinei, nenyaya dzechirwere cheCovid-19, vapi veropa vedu vachiri kungoramba vachiuya nehuwandu hwavo uye tiri kukurudzira veruzhinji kuti vange vachipa ropa,” vanodaro.

Dr Tonderai Mapako, avo vanova planning and research manager kuNBSZ, vanotenda rutsigiro rwavari kuwaniswa neveruzhinji munharaunda avo vari kuzvipira kupa ropa kunyangwe munguva yekuomerwa.

“Ropa riri kudiwa zvikuru muzvipatara, kunyangwe varwere veCovid-19 vanodawo ropa zvakanyanya nekudaro tinokurudzira kuti veruzhinji vape ropa munzvimbo dzakatarwa,” vanodaro.

Gore rino mhemberero dzeWorld Blood Donor Day dziri kuitwa pasi pedingindira rinoti, “Ropa Rakanaka Rinochengetedza Upenyu, Ipa Ropa Uponese Nyika”.

Mhemberero idzi dzinogarocherechedzwa musi wa14 Chikumi pagore.

Pasi pechirongwa cheUniversal Health Coverage, kupa ropa kunokosheswa zvikuru sezvo richibatsira vanhu vakadai sevanorasikirwa naro mutsaona, panguva yekubara nevane dambudziko rekushomekerwa neropa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey