Ropa rave shoma: NBSZ

21 Feb, 2021 - 13:02 0 Views
Ropa rave shoma: NBSZ VaEphraim Mubayi

Kwayedza

Tandayi Motsi

SANGANO reNational Blood Service Zimbabwe (NBSZ) riri kukumbira vose vanopa ropa kuti vape ropa nechimbi-chimbi zvichitevera kudzikira kwakanyanya kwaraita kwarinochengetwa (blood banks) nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Mukushi wemashoko kuNBSZ, VaEphraim Mubayi, vanoti kunyuka kwechirwere ichi kwaita kuti pave nezvimhingapinyi panyaya yekupihwa kweropa.

“NBZS iri kukumbirisa vanhu kuti vape ropa iri iro rakakosha pakuchengetedza upenyu nekuti riripo pari zvino rakadzikira zvikuru.

“Chirwere cheCovid-19 chaita kuti pave nematambudziko ari kukanganisa kupihwa kweropa muZimbabwe nepasi rose,” vanodaro.

VaMubayi vanoti chirongwa chekurwisa kupararira kweCovid-19 (lockdown) chaona kudzikira kwevanhu vari kupa ropa zvichitevera matambudziko anosangana nevanenge vachida kupa ropa panyaya yekufamba uye nezvekufambisa zvacho.

“Ropa iri harina kushomeka nekuda kwekuti kune varwere vakawanda vari kurida kwete, asi kuti huwandu hwevanhu vari kuuya kuzopa ropa ndiho hwaderera,” vanodaro VaMubayi.

Vanoti ropa rinodiwa pazuva munyika ino yose rinosvika 315 units.

“NBSZ iri kukumbira vose vanofanirwa kunge vachipa ropa vasati vapa kwechinguva uye nevamwe vanhu vane utano hwakanaka uye vasina kumbobvira vapa kuti vauye vazobatsira nekupa ropa,” vanodaro.

Kuti munhu ape ropa, anofanirwa kuve nemakore 16 okuberekwa zvichikwira, achirema 50 kgs kana kudarika uye aine utano hwakanaka.

“Vanopa ropa vanokurudzirwa kuti vaende pamizinda inopihwa ropa iri pedyo navo kana kune vanofamba nemotokari. Kutanga nemusi wa18 Kukadzi 2021, makiriniki eNBSZ achange ave kuvhurwa na8 mangwani kusvika 5 zuva rodoka nechinangwa chekupa mukana kune vanoda kupa ropa,” vanodaro VaMubayi.

Share This:

Sponsored Links