Uncategorized

Rubatsiro kune vanhu vabatwa chibharo

08 Oct, 2020 - 17:10 0 Views
Rubatsiro kune vanhu  vabatwa chibharo

Kwayedza

Clarah Maregere Chikohora

KUMBUNYIKIDZWA nenzira yakarerekera kubonde (sexual harassment) chiitiko chisingadikanwi chinoitika mumabasa uye chinobvira pamashoko nekubatwa kwenhengo dzemuviri nechisimba zvinoita kuti munhu ashungurudzike mupfungwa uye zvichikanganisa mashandiro akanaka pamabasa.

Dzimwe nyaya dzerudzi urwu dzinogona kuitika kuburikidza nekushandiswa kwedandemutande rakadai seWhatsApp kana Facebook.

Kumwe kubatwa-batwa muviri kusingadiwe uku kunogona kugumisira nekunyuka kwematambudziko akadai sekubatwa chibharo kana kukanganiswa muviri nemabatirwo (indecent assault).

Vese vanenge vambunyikidza nenzira dzose, kusanganisira dzebonde, vanokurudzirwa kuti vakwashe rubatsiro rwekurapwa mukati memawa 72 kuitira kuti vakwanise kudzivirrwa kubva kuzvirwere zvepabonde zvinosanganisra HIV nezvimwe (Post Exposure Prophylaxis).

Pamusoro peizvi, kana ari madzimai anenge ambunyikidzwa anopihwa mapiritsi anobatsira kuti vasabatire pamuviri pechibharo (Emergency Contraceptive Pill).

Muna Kurume gore rino, nyika yakasangana nematambudziko mazhinji apo pakatanga chirongwa chekurwisa kupararira kweCovid-19 (lockdown).

Kuuya kwechirwere ichi kwakakanganisa dzimwe kodzero dzevanhu dzakadai sekufamba zvinova zvakakanganisawo kuwaniswa kwenyaya dzeutano zvisinei nekuti zvaiitirwa kuderedza kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Somuenzaniso, mumwe munhu aifanira kunge achipihwa mubhedha muchipatara asi hamaingopindwa kana usina kubudisa magwaro ekuratidza kuti wainge wakavhenekwa chirwere cheCovid-19 ukaonekwa usina.

Zvakakosha kuti zvipatara zvirambe zvakavhura munguva yakadai kuitira kuti vanhu vabatsirikane panyaya dzeutano, zvikuru utano hwekuyaruka. Kukundikana kurapwa nenguva kuvanhu vanenge vambunyikidzwa kunokonzera zvirwere zvepabonde uye pamuviri pasina kurongeka.

Nyaya dzemhirizhonga dzakabva dzawandawo munguva ye’lockdown’ uye vaimbunyikidzwa ava, kusanganisira vashandi vemudzimba avo vainzi vambosuduruka kuitira kuti mudzimba musagare vanhu vakawanda, vaisawana rubatsiro rungava rwemutemo chairwo.

*Tumirai mhinduro padandemutande rinoti- [email protected]. Tarisirai chimwe chinyorwa chedu muKwayedza resvondo rinotevera nomusi weChina choga-choga kana kuchaya nhare dzinoti 08080131: Hotline 0782900900

Rangarirai kupfeka mamasiki enyu nguva nenguva pamunoenda pane ruzhinji uye musaungane, zvekare gezai maoko enyu nesipo.

Share This:

Sponsored Links