Rubatsiro rwechibage rwombomiswa

25 Mar, 2021 - 10:03 0 Views
Rubatsiro rwechibage rwombomiswa Prof Mavima

Kwayedza

Munyori weKwayedza

CHIRONGWA chekubatsirwa kwevanhu vanotambura nechibage chichambomiswa munaKubvumbi uye Hurumende ichapa ruyamuro kumhuri dzichatadza kuwana goho rakanaka mwaka uno apo nyika iri kurwisa chirwere cheCovid-19.

Izvi zvakaziviswa negurukota revashandi nekubatsirwa kwevanoshaya, Professor Paul Mavima, svondo rapera apo vaitaura pamberi pekomiti yedare reParamende inoona nezvevashandi veHurumende nekuyamurwa kwevanotambura.

Vanoti chirongwa chekubatsirwa kwevanoshaya nechibage chichambomiswa kwenguva pfupi uye chichatanga mushure mekunge ongororo yemamiriro akaita goho mwaka uno ye2021 Zimbabwe Vulnerability Assessment Committee (Zimvac) yapera.

Zimbabwe iri kutarisira kuwana goho guru mwaka uno zvichitevera kunaya kwemvura zvakanaka uye kutsigirwa kwakaitwa varimi nezvekushandisa neHurumende kuburikidza nezvirongwa zvinosanganisira chePfumvudza.

“Tichambomisa chirongwa chekubatsira vanotambura nechibage kupera kwaKubvumbi uye kumiswa kwacho kunoenderanawo nekupera kwenguva yenzara. Chirongwa ichi chichazotanga mushure mekupera kweongororo ye2021 Zimbabwe Vulnerability Assessment Committee.

“Bazi redu zvisinei, richatarisa vanotambura vanogona kuomerwa panguva iyi,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti zvichabuda muongororo yeZimvac ndizvo zvichapa gwara rakajeka maringe nemafambisirwo anofanirwa kuitwa chirongwa ichi.

“Rubatsiro urwu rwuchazoenderera mberi nguva pfupi inotevera zvichienderana nekushaya kuripo,” vanodaro.

Prof Mavima vanoti mhuri dzinotambura dzinodarika 735 000 dziri kubatsirwa nechibage pasi pechirongwa ichi mwedzi woga-woga kumatunhu ose enyika.

Hurumende yakatanga chirongwa chekubatsira vanoshaya senzira yekusimudzira raramo yavo zvichitevera kuoma munyaya dzeupfumi panguva iyo nyika iri kurwisa Covid-19.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey