Rubatsiro rweCovid rwava kuongororwa

15 Oct, 2020 - 10:10 0 Views
Rubatsiro rweCovid rwava kuongororwa Mai Chiri

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MARI yose nezvimwe zvinhu zvinosanganisira midziyo zvakapihwa kumapazi eHurumende nevabatsiri nechinangwa chekuti zvishandiswe mukurwisa chirwere cheCovid-19 zvinofanirwa kuongororwa zvizere mashandisirwo azvakaitwa.

Izvi zvakaziviswa naAuditor-General Mai Mildred Chiri nemusi weChipiri vachiti chikamu chavo chiri kuita ongororo yemashandisirwo akaitwa mari nezvinhu zvakabva kuvatsigiri vakasiyana.

Ongororo iyi ichaburitsa pachena mashandisirwo akaitwa mari nezvinhu zvakabva kumakambani, vanhu vakazvimira, nyika dzinoshamwaridzana neZimbabwe nemamwe mapoka nechinangwa chekurwisa Covid-19.

Mai Chiri vanoti pari zvino vakamirira kunzwa kubva kumapazi eHurumende anosanganisira rekutongwa kwematunhu, mabasa eruzhinji nekuwaniswa kwedzimba nerevashandi veHurumende nekubatsirwa kwevanoshaya pamwe chete nereutano nekurerwa kwevana pamusoro penyaya iyi.

“Takamirira kunzwa kubva kumapazi aya panyaya iyi. Kana tichinge tawana zvatiri kuda, tichaita ongororo apo tinenge tichitarisa mafambisirwo akaitwa basa pamwe chete nezvinozofanirwa kuitwa,” vanodaro Mai Chiri.

“Chinangwa chedu hachisi chekuda kupanana mhosva, asi kubatsira Hurumende kuitira kuti isangorasikirwa. Tichavanyorera tichivaudza zvatinenge tawana uye nepatinofunga kuti panoda kugadziriswa.

“Tichange tichitarisa zvinhu zvinosanganisira mafambisiro akaitwa basa iri kuti rakafamba zvakanaka here kana kuti kwete, tichitarisa magwaro emashandisirwo akaitwa zvinhu zvekurwisa Covid-19 pamwe nekugoverwa kwazvo.

“Chinangwa ndechekuti pave nekushandiswa kwakanaka kwezvinhu izvi tichitarisa kuti chirwere ichi chichiripo nekudaro rubatsiro rwose rwakakosha zvisinei nekuti rwakakura here kana kuti kwete,” vanodaro.

Mai Chiri vanoti kuitwa kweongororo iyi kwakanonoka nekuda kwechirongwa chekumisa kupararira kweCovid-19 izvo zvakaona veruzhinji vachikurudzirwa kumbogara kudzimba.

“Pane gwaro rakabva kuHurumende rinoti mapazi anokwanisa kuwedzera vashandi vavo kubva pachikamu che15 percent kuenda pa40 percent. Izvi ndizvo zvatiri kuita pari zvino uye tinotarisira kuti zvinhu zvichaenda mugwara nekufamba kwenguva. Izvi zvichabatsira zvakare kwete panyaya yekuita ongororo yezvakapihwa mukurwisa Covid-19 chete, asi imwewo ongororo,” vanodaro Mai Chiri.

Zimbabwe yakaiswa pachikero chenhamba 102 pasi rose nesangano reWorld Health Organisation nekuda kwekuzvipira kwayo mukurwisa Covid-19.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey