Rudo ndiwo mupfuhwira

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza—

MIBVUNZO NEMHINDURO:

  1. Kubva munhetembo dzechinyakare tinodzidza zvakawanda pamusoro peupenyu netsika dzakare. Tsigira pfungwa iyi zvizere uchishandisa nhetembo shanu kubva muzvikwata zvishanu zvakasiyana. [25]

Kutambira hombarume — Mufakose, p.17; kubva muchikwata chenhetembo dzemadzinza. Munhetembo iyi nyanduri anotenda muvhimi auya neusavi kubva musango.

Tinodzidza kuti vanhu vaitendwa kana vaita basa guru pachishandiswa mazita emadzinza nezvidawo zvavo sokuti, “. . . Shava,” “. . . mwana waShirichirima.”

Kana munhu aita zvakanaka mbiri nokutendwa zvaipiwa vedzinza nokuti ndivo nhungamiri pakuita mabasa akasiyana-siyana.

Kuraya, p.45; kubva muchikwata chenhango dzapadare kana mudumba apo tinoona mbuya vachirayira muzukuru wavo, Raviro ava kunoroorwa kuti agone kubata murume wake zvakanaka sezvo uri iwo mupfuhwira mukuru. Anoudzwawo zvokusaita mukugarisana nehama dzemurume zvakaita semakuhwa, kuba neunzenza.

Tinodzidziswa kuti pasichigare vanambuya vaiva nebasa rokuraya vazukurusikana sezvo vari ivo vaikwanisa kutaura zvinorema kuvanasikana. Tinodzidzawo kuti rudo harwutengwi nemushonga werudo unonzi mupfuhwira, asi rudo rwechokwadi ndiwo mushonga wekuti mukadzi adiwe nemurume wake zvakanyanya.

Kutura chimutsa’mvi, p.48; kubva muchikamu chinonzi Kupira midzimu apo nyanduri anopira vadzimu kuti akanotora mumwe mukadzi nokuti waainaye achembera kuburikidza nokudira doro kumidzimu yake kuti ione kuti anoteerera zvirango zvetsika.

Tinodzidza kuti vanhu vaitendera muchitendero chekuti chose chaiitwa chaifanirwa kuziviswa vadzimu kuti vagotungamirira.

Tinodzidziswa nyaya yebarika raiunzwa nekuda kwekuwana mukadzi anonzi chimutsa’mvi aiva mwana wehanzvadzi yavahosi.

Kurumwa nechokuchera, p.60 — chikwata, Kurova bembera — tinoona nyanduri achirova bembera kumunhu aizvikudza nekushandisa mishonga zvino yava kumudzokera sepanonzi, “Wakati uri muzivi, nhasi uzivi hwako hwakupindukira.”

Izvi zvinoreva kuti mudetemberwi akafunga kuzvigadzirira zvinhu zvokuzvidzivirira nazvo asi zvazomudzokera.

Tinodzidza kuti kare vamwe vanhu vaitsvaga makona nezvitsinga zvokuzvidzivirira nazvo, asi kumagumo zvaizovakuvadzisa kana kupinzisa mhuri dzavo mumatambudziko.

Kuverenga nokutsinhira, p.89 — chikwata Zvidobi — tinoona mushauri achishaura manhamba vadaviri vachitsinhira zvinorehwa nokuverenga kwemushauri, sokuti, M: Piri, V: Kupira midzimu.

Tinodzidza pamusoro pemitambo yaiitwa kare navapwere nokuti imwe yacho yaivadzidzisa kurodza njere nokukasika kufunga kuti vagone kuronda nokuverenga.

Zvakare zvinoratidzazve kuti pasichigare mazwi kana mazita aipiwa zvinhu aienderana nezvaanoreva zvine chekuita nenharaunda iyoyo.

Cherechedzo: Wakasununguka kusarudzawo dzimwe nhetembo muzvikamu zvaunoda pamwe chete nekuwedzerawo dzimwe pfungwa dzinobuda munhetembo dzacho.

Chakakosha apa kupa tsigiro dzinogutsa.

Share This:

Sponsored Links