Rudo rweKirisimasi rwunofukidza zvose

18 Dec, 2014 - 08:12 0 Views

Kwayedza

MAKAKOMBORERWA, makagarika nokuti zvikanzi nebazi rinoona nezvokuverengwa kwavanhu (reZIMSTAT), kuitira kuti kuzivakanwe kuti kune vanhu vangani munyika, munoita zvokutofambirwa kudzimba kwamunogara, moverengwa muriko.

Vanhu vanoverengwa nyika yese mushure memakore gumi ega ega kuitira kuti zvinhu zvirongeke munyika. Haasi aya maverengero anotaurwa namadzimai eMbare Chimurenga Choir, pavanoimba, “Vana veZanu-PF simukai tiverengane!”

Maverengwa, munozongonzwa veZIMSTAT vave kuti vanhu vawanda kana kushomeka zvakadii munyika. Hazvina kufanana nenguva dzakazvarwa Mambo Jesu Kristu vane zuva rokuzvarwa ratiri kupemberera musi weChina chiri kuuya. Musi wa25 Zvita, mukaona vanhu vave kusvika kudzimba kwenyu vanenge vari kutotsvaga mafaro nokudya kunenge kwakatekeshera paKirisimasi. Vakange vave kuverenga, vanoverenga kuti vakanwa kana kudya zvakadii, kana kuti vakafara zvakadii.

Asi magwaro matsvene anotiudza kuti panguva yakazvarwa Mambo Jesu makore 2 000 apfuura, kuna mambo akangofunga kuti munhu wese ngaaverengwe.

Haanoi maverengerwo avakaitwa kubva muBhaibheri Dzvene MuchiShona Chanhasi rakatsikiswa neBible League:

“Mumazuva iwayo Kesari Ogasito akapa chirevo chokuti vagari vose venyika dzose dzaitongwa nenyika yeRoma vaverengwe. Uku ndiko kwaiva kuverengwa kwokutanga kwakaitwa panguva yaKuriniasi paakanga ari mubati weSiria. UYE mumwe nomumwe akaenda kuguta kwake kuti andonyoresa.

“Saka Josefawo akakwira achibva kuguta reNazareta muGarirea achienda kuJudhea, kuBheterehema guta raDhavhidhi nokuti akanga ari weimba yaDhavhidhi noworudzi rwake. Akaenda ikoko kundonyoresa naMaria, waakanga atsidzira kuzowanana naye uye akanga ava napamuviri. Vachiri ikoko, nguva yokuzvara kwomwana yakasvika, akazvara dangwe rake, mwanakomana. Akamuputira nemicheka akamuisa muchidyiro chezvipfuwo, nokuti muimba yavaeni makanga musisina nzvimbo yavo.” (Ruka Chitsauko 2 vhesi 1-7)

Kaverengerwo aka tikakaisa mumazuvano, zvorevei? Dai kuri kuno kuZimbabwe, zvaireva kuti musi wokuverengwa kwavanhu, imi mese muri mumaguta nemadhorobha akaita seHarare, Mutare, Masvingo, Bulawayo, Gweru, Victoria Falls, Kariba nemamwe, asi masabhuku, namasadunhu kana madzishe enyu ari kune dzimwewo nzvimbo munyika muno, maitofanirwa kuenda kumisha yenyu, zvisinei kuti mumire sei.

Kana Maria akange akurirwa napamuviri akafamba netsoka kubva kuNazareta kuenda kuBheterehema, zvairevawo kuti munyori uno aienda kuMasvingo kundonyoresa.

Musiyano ndewokuti kwave nezvifambiso mazuvano. Nguva yakazvarwa Mambo Jesu kwaifambwa netsoka. Ndakatarisa ndikaona kuti kubva kuNazareta kusvika kuBheterehema pane mufambo unosvika makiromita 111.

Nemotokari, mufambo unotora maawa maviri anoraudzira, asi netsoka unosvika riini kunyanya uri kufamba nemudzimai akazvitakura, uyewo pamuviri pacho pave kuda kuzvarwa?

Hazvishamisi kuti Maria naJosefa vakashaya pokurara nokuda kwamamiriro akange akaita Maria.

Ndosaka nyaya yeKirisimasi isiri nyaya yokudya twunonaka, kugudubira hwahwa nokupfeka mbatya dzakanaka.

Hongu kuuya kwaJesu Kristu kwakaunza dzikinuro, rusununguko noupenyu husingaperi, asi zvakasangana naMaria naJosefa panguva iyi zvinhu zvinofanirwa kufungisiswa kuti vanhu vazive kuti Kirisimasi inyaya yorudo. Kune vamwe vakatambudzika kuti masuo okuenda kudenga azaruke.

Pafunge ipapo, nokuti kunyange huku, mupunga, makeke zvikashaika Kirisimasi ino, hazvireve kuti Jesu havasisiri muponesi uyewo hazvireve kuti rudo rwakaumbwa nechiitiko chokunyoreswa kwavanhu rwunogona kudzimwa.

Nokudaro nyaya yeKirisimasi inyaya yorudo rwakaitwa naMwari kuvanhu vaakasika, vanomutadzira nguva dzese, asi iye achivaregerera nokungovada. NdiMwari vakazvipira kuda munhu asingavade.

Zvimwe zvese zvakakosha, asi rudo ndirwo rwunofukidza zvese.

Share This:

Sponsored Links