Uncategorized

‘RUDO RWEVAROYI MA1’

16 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
‘RUDO RWEVAROYI MA1’ VaKandiyero

Kwayedza

Kingstone Mapupu
NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti kune mhando nhatu dzehuroyi uye kana vadanana, vanongopanana rudo rwakasimba, asi pasina kuzadzana zvirwere zvepabonde kana kupanana mimba.

Sekuru Bonface Katerere vekwaMashambanhaka, kuUzumba, vanoti mhando dzehuroyi ndedzinoti hwedzinza, hwekupihwa munhu asingade nehwekutenga.

“Huroyi hwedzinza hunotevedza ropa sezvakangoita zvirwere zvekuti kumhuri yekwanhingi vanhu vanoita mhetamakumbo, kana kubatwa nezvimwe zvirwere. Hwedzinza munhu anoenda kumakuva asingazive achitodya nyama yevanhu,” vanodaro.

Vanoti muroyi akangodya nyama yevanhu, shavi racho rinenge rave kunetsa kubvisa uyewo mhando yevaroyi vakadai vane hukasha.

“Tine hwatinoti huroyi mbande, hwekutenga kana hwekutemerwa usingazive kana kudyiswa bota kana kunwiswa mumahewu. Huroyi hwekutenga ndiwo hwakawanda kudarika hwemadzinza nekuti vanhu vave kufarira kutambudza vamwe,” vanodaro.

Vanoenderera mberi: “Huroyi hunobata varume kana vakadzi vachitofamba vose husiku vasina kupfeka vachinopinda mumakuva. Varoyi vanotoita bonde panguva yekuroya kwavo inotova nguva inokosheswa zvikuru.

“Asi, havaitisane pamuviri kana kupanana zvirwere zvepabonde, uye izvi zvinoitwa nevaroyi vakuru chete, kwete vadiki.”

Sekuru Katerere vanoti varume nemadzimai vanoenda kunoroya vachisiya vadikani vavo kudzimba vanenge vachitova nevamwe varoyi vavanodanana navo.

“Rudo rwevaroyi rwakasimba zvikuru zvekuti hapana anofanirwa kuzoramba mumwe kana vatanga kudanana kusvikira mumwe azofa. Idzi imhiko dzavo,” vanodaro.

Vanotaurawo nekushandiswa kwerusero nevaroyi.

“Varoyi vanoshandisa tsero, vachiratidzana pavanonomharira kuburikidza nemoto unovhenekwa mudenga nevamwe varoyi vanenge vakafanogara kunzvimbo dzavanenge vachienda,” vanodaro Sekuru Katerere.

Vanoti mhuka dzose dzinokwanisa kushandiswa nevaroyi asi kune dzinonyanya kusevenzeswa senyoka, mapere, nhunzi, miremwaremwa, mazizi, mbeva, matatya, mipurwa nezvimwewo.

Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanotiwo huroyi ishavi rinotodadisa zvinoita kuti vamwe vatohutsvaga.

“Tine mhando nhatu dzehuroyi apo hwekutanga hunova hwedzinza hwatingati hwemhuri hunotevedza mumhuri. Uhwu ndehweshavi rinotobata warinenge rada mumhuri uye ipapo ndipo pamunonzwa vakuru vachiti mhuri yekwakati hairoorwe,” vanodaro VaKandiyero.

Mhando yehuroyi hwedzinza vanoti munhu anokwanisa kuroya asingazive kuti anobuda sezvo zvakangofanana nekusvikirwa.

“Vanhu vanobatwa neshavi rehuroyi hwedzinza dzimwe nguva vanoita sevanorota vari kumakuva vachidya nyama. Vanhu ivava vanogona kutoramba kuti vanoroya kusvikira mashavi aya atoburitswa pavari.”

VaKandiyero vanoti huroyi hwekupihwa nevanhu vanoroya munhu asingazive hunoita hwekutemerwa nyora kana kuisirwa muchikafu.

“Tine huroyi hwekuti iwe unopihwa usingazive apo unoita zvekutemerwa wakakotsira kana kuisirwa muchikafu. Ukangodya chikafu kana kutemerwa unetenge wave kuroya asi zvinoitika usingazive. Saka dzimwe nguva kungodya chikafu chamusingazive kwachabva kana hunhu hwemunhu ari kukupai zvine njodzi,” vanodaro.

Mvura yekunwa chaiyo, vanodaro VaKandiyero, ikateketerwa huroyi munhu akainwa shavi racho rinogona kumubata.

“Uhwu hausi huroyi hwedzinza, ndewekupihwa nevanhu vane mashavi acho. Varoyi vanotochiva vanhu muchifamba kuti uyu tinoda kuroya naye, ototsvagirwa nzira dzekuti udyiswe.

“Unogona kuzotanga kubatwa nehama dzako kuti unoroya iwe usingazvizive, saka inyaya inoda kungwarirwa.”

Vanotiwo kune huroyi hunoita zvekutengwa apo munhu anotoenda kumagodobori echivanhu achinotenga huroyi senzira yekuda kuzvisimbisa.

“Tine huroyi hwekuti munhu anoenda kumachiremba echivanhu onoromba kana kutenga huroyi. Munhu anototora huroyi uhu achida, kureva kuti anopihwa makona nezvimwe achitotaurirwa kuti aende kumakuva nekupa vamwe zvitsinga nezvimwe zvinokuvadza,” vanodaro VaKandiyero.

Makore adarika, Kwayedza yakaburitsa nyaya yevaroyi vekuBuhera, avo vanonzi vanoshandisa sikarudzi yevanhurume sepito yekushevedza vamwe vavo.

Kudunhu rimwe chete iri, kune vamwe vanhu vakambopinda mudare redzimhosva reMurambinda Magistrate Court ndokubuda pachena kuti vaiva varoyi uye vachiti vanowana nguva yekumbosasana pabonde vasati vatanga mabasa avo.

Share This:

Sponsored Links