Kwayedza

Rume remakore 36 rabata mwana (10) chibharo

Danisa Masuku

MURUME wekuBulawayo ane makore 36 okuberekwa anonzi akabata chibharo mwana ane makore 10 okuzvarwa mushure mekunge amuratidza mafirimu evanhu vaiita zvinyadzi.

Obyia Chigamani anonzi akapa mwana uyu $10 yevharamuromo mushure mekumubhinya mubhedhuru make.
Anonzi akataurira mwana uyu kuti aida kuti vaone mafirimu mubhedhuru make, ndokubvumirana nazvo sezvo pasina zvaaifungira.

Vanonzi pavaiona mafirimu evanhu vaiita zvinyadzi, murume uyu akazobhinya mwana uyu.
Mushure mekumubata chibharo, anonzi akatyisidzira mwana uyu achiti kana akataurira mumwe munhu zvainge zvaitika aizomuuraya.

Anonzi akavhevhetedza mwana uyu kuita zvimwe zvisinganyoreke mubepanhau remhuri reKwayedza.
Mwana uyu akazodzokera kumba kwavo uye paakasvika tete vake vakamubvunza kuti aibva kupi ndokuvaudza kuti akange ari mubhedhuru memurume uyu.

Tete ava vakamubvunzurudza kuti chii chaiitika pavakange vari mubhedhuru umu, achibva adura zvekubatwa kwake chibharo.
Vakabva vamuperekedza kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti murume uyu asungwe.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kuBulawayo, Assistant Inspector Nomalanga Msebele, vanotsinhira nyaya iyi uye vanorumbidza tete nemwana uyu nekumhan’ara kwavakaita nyaya iyi.

Vanokurudzira vamwe vanogona kusangana netsekwende dzeruwdzi urwu kuti vamhan’are kuitira kuti vabatsirwe nekukasika kudzivirira kuti vasatapurirwe hutachiona hweHIV kuburikidza nenzira yePost Exposure Prophlaxis mushure mekubatwa chibharo.