Runga mutauro netsumo

22 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
MUCHIKAMU chakapera ndakasiya tsumo shanu idzo ndaida kuti vana vagotsvaga zvadzinoreva.

Chivimbo changu ndechekuti makaita tsvagurudzo kuitira kuti kana totarisa mhinduro dzandichapa muchikamu chino, tochienzanisa kuona patakagona nepatakatadza. Kune vanenge vakatadza musaore moyo nekuti kudzidza hakuperi.

Ndakapa tsumo inoti Rabva ngedera denhe kupinda gaya. Iyi tsumo inoreva kuti ukaona munhu osema chinhu chaaimbodisa, anenge awana chimwe chitsva chaava kuda. Tsumo inoti Chaita chikomo chapembedzera tinoishandisa kutaura pamusoro pevanhu vanoda kupamba zvinhu pamusana pekuti vane simba. Vanonyinda nemhasuru dzavo.

Tsumo inoti Chirema chiri pacho kucherera doro inotsanangudza kuti kana munhu achinge ari panzanga pake, anozvirova dundundu nekuzvitutumadza hazvinei kuti anoshoreka sei. Anenge achitonga nekuti ari pamusha pake.

Yechina tsumo yaitsanangudza pamusoro pejambwa. Munhu ane jambwa kana rushambwa anongotarisirwa pasi nemunhu wese. Anodadirwa nevamwe sekunge asina kufanana nevamwe vanhu. Tsumo iyi inoti Chimene chamadima kupakurirwa nenzara mugwaku uripo.

Yekupedzisira inoti Kune chirema hakuna rufu. Zvinoreva kuti mukuitika kwenjodzi huru hapafanirwe kuzoshaya vanhu asi kuti zviri nani munhu asare hake akakuvara pane kuzofa.

Kuteta jedye kuti riyambuke. Jedye idatya.

Tsumo iyi inoreva kuti ukashora murombo nekumuzvidza unenge uchitomubatsira nedzimwe nzira. Kumushora ikoko kunomupa simba neshungu dzekuti mangwana ashande nesimba. Anozogona kutonota muupenyu kubva mukumutsvinyira ikoko.

Kune tsumo inoti Kamusha kari papa kunga usati wagara mukati mako. Iyi inokurudzira vanhu kuti vasatange varumbidza chinhu nekuda kwemamiriro acho ekunze nekuti dzimwe nguva vanozoshamisika nokuona huipi hwacho.

Tsumo yekuti kari pako ikonje inoreva kuti kana munhu akasvikirwa nenhamo chero yakakora sei, iye ari pamusha pake anogona kuikunda nekuti anenge aine zvinomubatsira.

Share This:

Sponsored Links