Rungano rwaMai Mubhokisi

12 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

PANE nyaya yaMai Mubhokisi yatakakura tichinzwa, nyaya yokuti patakazovhurika pfungwa takafunga kuti yakataurwa ichida kutarisira madzimai echitema pasi, kana kutongotarisira vanhu vatema pasi.

Sezvo vanhu vakanga vakabvutirwa kodzero dzavo navauyi, chaigona kunge chiri chokwadi, asi nerimwe divi, iyi ingori nyaya yeshanje pakati pavanhu vakawanana.

Zvinonzi mumwe murume akashanda makore akawanda kuJoni, kuSouth Africa. Paakauya kumusha, akauya nezibhokisi rake rizere zvinhu zvaakange aunzira mudzimai wake nedzimwe hama.

Pakazoita nyaya ndepokuti murume uyu akaraira mudzimai wake kuti haafanirwe zvachose kuvhura bhokisi iri.

Zvinorambidzwa ndizvo zvinokwezva mwoyo. Mudzimai akati, “Imo mubhokisi mandiri kurambidzwa umu mune chii chaizvo? Asi murume uyu ane mumwe munhu waari kudanana naye waakaunzira zvipfeko zvaasingade kuti ndione?”

Mwoyo wadzungaira nokuda kuziva, mumwe musi vakazongoshingirira murume asipo vakavhura bhokisi riye. Ndopakatanga nyaya.

Pasi pebhokisi iri paive nechiringiro. Vamwe vanoti chioni-oni, asi mazuva ano vanhu vanongoti girazi (mirror). Achinodongorera, wanei mune mashura, mune mumwe mudzimai.

Akabva aziva kuti ndicho chikonzero chakaita kuti murume ati bhokisi ngarisavhurwa, nokuti akange abva nemumwe mudzimai kuJoni, waakanga akahwandisa mubhokisi. Mudzimai uya akati, achandiona, ndinoda kumutuka zvokuti anoenda chete.

Akanovhura bhokisi riya zvakare akadongorera akaona mudzimai uya zvechokwadi achirimo. Akatanga kupopota achimunongedzera, achimuudza kuti anobva chete pamusha pake.

Chakamushamisa ndechokuona mudzimai uya achipopotawo, achimunongedza nemunwe, asi zvaaitaura akange asingazvinzwi. Akambovhara bhokisi ashatirwa, akavhura zvakare wanike, mudzimai uya arimo.

Paakamutuka akaona naiye ari kutukawo. Mhedzisiro akati, ndomirira murume adzoke kuti andiudze kuti angaita barika rechihwande-hwande rakadai here?

Murume achingodzoka chete, mudzimai akamuzvuzvurudza neruoko achiti, “Huya undiratidze mudzimai wawakauya naye, wawakahwandisa mubhokisi rako rawaindirambidza kuti ndivhure.”

Murume akatadza kuziva kuti mudzimai wake ari kurevei, achimuti vhura bhokisi uburitse mudzimai wako.

Kudoti, “Handina mumwe mudzimai, ndiwe chete”, zvikanzi uri kunyeba, vhura bhokisi.

Bhokisi richivhurwa vese vachidongorera, mudzimai akabva aona murume wake avemowo nemudzimai uya. Kuzodaro, mukadzi akatanga kuviruka achiti, “Wange uchiti ndiri kutaura zvokunyeba, handiti matove mese naMai Mubhokisi vako?”

Murume akaona kuti ave parumananzombe, saka akabva ati: “Sokutaura kwandaita, handina mumwe mudzimai wandiinaye kunze kwako. Rega ndikuratidze.”

Akaburitsa girazi riya raiva mubhokisi akati kumudzimai, “Chitarisa zvakare kana Mai Mubhokisi vaya vachirimo.” Achitarisa, mudzimai akaona mukadzi uya hapasisina. Akashaya kuti anyangadika akaenda kupi. Achirisimudza, mudzimai akaona kuti murume wake amira zvakare nemudzimai uya ange ari mubhokisi.

Murume akati, “Ichi chioni-oni chokuti munhu uzvione. Saka pese pawange uchitarisa uchiona munhukadzi, wange uchifunga kuti pane mumwe munhu arimo, asi kwete, ndiwe wange uchizviona. Pawange uchipopota uchiona kunge ari kukupindura nezvausiri kunzwa, ndiwe wange uri kupopota, asi usiri kuziva kuti ndiwe.”

Murume akakumbira ruregerero akati, “Haisi mhosva yako nokuti wange usati wamboshandisa chiringiro chokuti uone kuti munhu umire sei, uyewo kuti munhu waunenge uri kuona anenge ari iwe. Kana neniwo pandakatanga kurishandisa, zvakambondinetsa, ndichitofunga kuti pamwe pane munhu ari kunditevera, asi ndakazodzidza kuti basa regirazi nderei. Ndokusaka ndakauya naro, kuti ugare uchizviona wakatsvinda.”

Mudzimai haana kukurumidza kubvuma, zvokuti murume akazodaidza vanhu vakawanda vachizvitarisa pagirazi, mudzimai achiona kuti zviri kubuda pagirazi zvakafanana nemunhu aripo. Vamwe vakatozomuudzawo kuti ndiye ari kubuda pagirazi.

Agutsikana, nyaya yokufunga kuti kuna Mai Bubhokisi yakabva yakanganwika, vakatanga kugara zvakanaka pasina kufungirana. Saka, kubva pana Mai Mubhokisi, nhasi tave ne “small house”, aimbove vaNyachide kana vaNdingoveni, zvakabva nokure, kunyange zvazvo Mai Mubhokisi waive mufananidzo womuridzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey