Rupiza: Kudya kune utano, kuchigutsa

18 Oct, 2022 - 19:10 0 Views
Rupiza: Kudya kune utano, kuchigutsa Rupiza

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU
Muchaneta Chimuka

RUPIZA rwenyemba nenyimo kudya kunovaka muviri uye kuchigutsa.
Uku gudya kwakagara kuriko kubvira pasichigare.
Svondo rino Mbuya Namatai Kuzanga (78) vekuNyanga vanotsanangudza mabikirwo erupiza.
Zvinodiwa:
Chikari kana poto, mugoti, chipunu, makapu maviri enyimo, makapu maviri enyemba, dovi, munyu nemvura.
Mabikiro:
Tora nyimo nenyemba wokanga kwemaminitsi masere, wozobura.
Bvisa makanda panyemba dzose nehuyo kana muduri nemutswi.
Nyimo ita zvimwe chetezvo, wopepeta murusero.
Gadza poto kana chikari pamoto woisa makomichi mashanu emvura.
Kana yave kufashaira, isa nyimo nenyemba imomo worega zviri pamoto kweawa nechidimbu, uchipamhidzira mvura kana yave kupera.
Kana zvaibva, isa zvipunu zvitatu zvedovi.
Tora mugoti wochisanganisa uchiisa mvura zvishoma nezvishoma kusvikira zvaita kunge bota rakakora.
Raidza kuti zvaringana here wobura.
Munogona kudya nesadza rezviyo, rechibage kana remhunga.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links