‘Rusarura padzidzo bodo’

04 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
‘Rusarura padzidzo bodo’ Vamwe vevana vasinganzwi vaive pagungano reInternational Week of the Deaf muHarare svondo rapera.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
ZVIKORO zvinodzidzisa vana vasinganzwi pamwe nevakaremara mitezo svondo rapera zvakacherechedza zuva reInternational Week of the Deaf pamhemberero dzakaitwa muHarare paine kurudziro yekuti vana ava vanofanira kuwaniswa dzidzo yakaenzana neyeavo vane mitezo yakakwana.

Vachitaura pagungano iri, VaWatson Khupe, avo vanova Senator anomiririra vakaremara mudare reSenate, vanoti chirongwa ichi chauya panguva iyo mitauro yemasaini iri kumiririrwa nevanhu vashomanana muZimbabwe.

“Zvakakosha kuti vanhu vari mumapoka ose vange vachiita mushandirapamwe wekukoshesa mitauro yemasaini nekuti tiri kuona kuti vanhu vasinganzwi, mitauro yavo yemasaini ine vanhu vashoma muZimbabwe. Mitauro yemasaini iri pakati pemitauro 16 iri mubumbiro remutemo wemuZimbabwe nokudaro inofanira kucherechedzwa,” vanodaro.

Mai Josephine Tanda, vanova Special Needs Education Deputy Director kubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, vanoti vari kushushikana zvikuru maringe nedzidzo yevasinganzwi kubvira pakavambwa chirongwa chekusimudzira mitauro yemasaini zvichifambirana negwaro redzidzo.

“Bazi redu rinoshushikana zvikuru nenyaya yedzidzo yevana vasinganzwi uye tinofanira kuita mushandirapamwe kuti paonekwe kuti dzidzo yavo yasimudzirwa. Dzidzo inofanira kupakurirwa kumwana wose pasina kutarisa kuti akaremara here kana kuti kwete,” vanodaro.

Muzvare Paidamoyo Chimhini vanova programmes manager kusangano reDeaf Zimbabwe Trust vanoti vanofara kupemberera zuva iri sezvo richicherechedzwa kodzero dzevana vasinganzwi.

“Nyaya dzerusarura dzichakawanda kuvanhu vasinganzwi nekuti vamwe vana amai vanowanikwa vachipumhwa huroyi nepamusaka pekuti vanenge vazvara mwana akaremara nenzira iyi. Vana vazhinji vari kukundikana kuenda kuzvikoro zvevana vasinganzwi nekuda kwekuti varairidzi havana unyanzvi hwekufundisa vana ivava.

“Vashoma kwazvo vanobva kumakoreji ezvekufundisa vaine hunyanzvi uhwu uye muzvikoro zvevana vasinganzwi hamuna midziyo yakakwana inobatsiridza mudzidzo,” vanodaro Muzvare Chimhini.

Vanokurudzira kuti mitauro yemasaini ifundiswe muzvikoro zvose kuitira kuti vana vasinganzwi vakwanise kukurukura nevamwe vavo vanonzwa.

“Tinoda zvakare zvikoro zvakawanda nekuti pari zvino zvikoro zvinofundisa vana vasinganzwi zvishoma. Vanhu vazhinji havazivi mitauro yemasaini muZimbabwe saka tinokurudzira kuti veruzhinji vanofundiswa kuti vakwanise kukurukura nevasinganzwi,” vanodaro Muzvare Chimhini.

Mumwe wevadzidzi vasinganzwi, Prince Gogwe (19) – uyo ari kuita Fomu 4 paDeaf Zimbabwe Trust uye akakurukurwa naye nemunyori uno achibatsirwa nemuturikiri wake Precious Nkomo – anotaura nezvemamwe ematambudziko avanosangana nawo.

“Muzvikoro tinosangana nematambudziko gumi nefararira zvisinei nekuti tinenge tiine tarisiro yekuvewo neremangwana rakanaka. Nekuda kwekushaiswa dzidzo yemhando yepamusoro, tinoshaiwa mabasa akati tsvetere nekuti tinenge tisina dzidzo yakakwana. Mumakambani mazhinji zvinovaremera kuti vape vanhu vasinganzwi mabasa, kunyanya epamusoro,” anodaro.

Gogwe anoenderera mberi achiti, “Vamwe vabereki vanopedzisira vava kushungurudza vana vavo nekuti vanenge vasingwakwanise kutaura navo nemitauro yemasaini uye vamwe havatodi kubhadhara mari yechikoro yevana vasinganzwi nekuti vanenge vachingofunga kuti havana maturo uye hapana zvavanozoita muupenyu.

“Tinoda kuti vana vasinganzwi nevanonzwa vawaniswe mikana yedzidzo nemabasa zvakaenzana.”

Gogwe anokurudzira kudzidzwa kwemutauro wemasaini neveruzhinji kuitira kuti zvizovarerukira pakuushandisa.

“Semuenzaaniso, kana munhu asinganzwi achinge abatwa chibharo kana kuparirwa imwewo mhosva, panofanira kuva nevaturikiri pamakamba emapurisa vanoziva mutauro wemasaini. Mapurisa nemanesi tinoda kuti vazive mitauro yemasaini kuti vakwanise kutaura nesu, kwete kuti vangova nefungidziro yekuti munhu wose wavanoda kubatsira anotaura nemazwi anobuda mukanwa.”

Zvikoro zvaive pagungano iri zvinosanganisira Emerald Hill, Danhiko, St Mary’s High, Mufakose High, Deaf Zimbabwe Trust nevana vakaremara vekuZimbabwe Parents of Handicapped Children Association.

Vanhu vasinganzwi nevakaremara mitezo kazhinji vanosangana nerusarura.

Mutemo weUnited Nations weConvention on the Right of Persons with Disabilities unotarisa pamwe nekutsigira kushandiswa kwemitauro yemasaini uye mutauro uyu uchitariswa zvakaenzana nemimwe mitauro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey