‘Ruzhinji rwedu ngarudzivirirwe’

11 Nov, 2021 - 08:11 0 Views
‘Ruzhinji rwedu ngarudzivirirwe’ Senator Monica Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti zvakakosha kuti vanhu vasati vabaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 vabaiwe nhomba idzi kuitira kuti Zimbabwe izadzikise tarisiro yayo yekuti chikamu che60 percent chevanhu vose vange vabaiwa kusvika pakupera kwegore rino kuti nyika inge yakadziviririka kuchirwere ichi.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti Zimbabwe iri kubudirira zvikuru mukurwisa kupararira kwechirwere ichi kana zvichienzaniswa nedzimwe nyika dzemuAfrica.

“Cabinet inoda kuratidza kufara kwayo nezviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe izvo zvaona nyika ino ichiita zvakanaka kudarika nyika zhinji dzemuAfrica. Zvisinei, tinofanirwa kuramba takamira takasimba kuitira kuti tizadzikise zvinangwa zvedu zvekuti pakupera kwegore rino nyika inge yakadzivirirwa kubva kuchirwere ichi,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Ngationei kuti vose vasati vabaiwa majekiseni vabaiwa nhomba idzi.

Hurumende inovimbisa nyika kuti ine zvekushandisa zvinokwanirana nechirongwa ichi. Pamusoro pezvo, kubaiwa nhomba kwevane makore 16 kusvika 17 okuberekwa kwakabvumidzwa uye vemazera aya vanokurudzirwa kuti vabaiwe.

“Mapoka akasiyana akapihwa basa rekuona kuti chirongwa chekubaiwa nhomba ichi chasimbaradzwa nechinangwa chekuzadzikisa tarisiro yekuti nyika inge yadzivirirwa kubva kuchirwere ichi panopera gore rino.”

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya vanhu 10 miriyoni nhomba dzekudzivirira Covid-19 kuti nyika inge yakadziviririka kubva kudenda iri panozopera gore rino.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 3 393 972 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira Covid-19 apo 2 661 887 vange vabaiwa echipiri (2nd dose) munyika muno kubvira pakatanga chirongwa ichi munaKurume wegore rino.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 133 242 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera denda iri kubvira munaKurume gore rapera.

Pavarwere ava, 128 153 vakatopona asi vamwe 4 691 vakafa.

Sen Mutsvangwa vanoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kudzikira izvo zvakaona 210 vachiwanikwa vaine denda iri svondo rapera kana zvichienzaniswa ne416 vevhiki radarika pamberi.

Vanoti bazi reutano nekurerwa kwevana rave nehurongwa hwakadzama hwekuongorora chirongwa chekubaiwa majekiseni kune madzimai akazvitakura nevanoyamwisa zvichienderana nezvinokurudzirwa neMedicines Control Authority of Zimbabwe (MCAZ) pamwe nesangano reWorld Health Organisation (WHO).

“Veruzhinji vanoziviswa kuti nyika ichiri pasi peLevel 2 Lockdown nekudaro mutemo weStatutory Instrument 228b of 2021 uchiri kushanda. Izvi zvinoreva kuti makungano ose, kusanganisira kumabhawa anofanirwa kuve evanhu vakabaiwa nhomba chete. Ngatirambei tichishanda pamwe chete kuitira kuti tidzivirire njodzi yekunyuka kwechirwere ichi kechina (4th wave),” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links