Ruzivo rwechivanhu nemamiriro emwaka

08 Oct, 2020 - 16:10 0 Views
Ruzivo rwechivanhu nemamiriro emwaka Sekuru Chishanyu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KUBVA pasichigare, pane nzira dzechivanhu dzaishandiswa kuti vanhu vazive mamiriro achange akaita mwaka sekuti mvura ichanaya yakawanda here kana kuti iri shoma.

Nzira idzi dzinosanganisira kuongorora maberekero emichero yemusango inosanganisira mihacha, mizhanje nemimwe.

Kunonoka kana kusabereka kwemiti yemihacha kana kuti mizhanje kunonzi kune chirevo maringe nemwaka uye kuturuka kwemvura kana takatarisa tsika nezviyereswa zvepasichigare (Indigenous knowledge systems).

Vakuru vakare vainge vasina michina inoita kuti vazive mamiriro ekunze, asi vanonzi vaishandisa ruzivo rwechivanhu sekuwanda kweshiri dzenhengure, kupfumvura kwemiti kana kukurumidza kubereka kwayo michero.

Gore rino miti yemihacha yakanonoka kubereka zvekupinda mumwedzi waNyamavhuvhu hacha dzisati dzava mumisika semamwe makore. Nokudaro vazhinji vanoti vari kutarisira kuti kunogona kuva nemaguta uye kuturuka kwemvura yakawanda.

VaPaul Zakariya

Kwayedza inokurukura nenyanzvi dzechivanhu nevamwe vanhu pamusoro petsika idzi.

Sekuru Friday Chisanyu vanoti ichokwadi kuti gore rinowanda hacha kunoita nzara nekupisa kwakanyanya.

“Gore rino, mihacha yanonoka kubereka kureva kuti tine maguta uye kuchanaya mvura yakawanda. Gore ramunoona hacha dzichiwanda nekukasika, zvikuru apo mwaka wekurima wava kudongorera, zvinoreva kuti inzara yoga-yoga.

“Vakuru vakare vaitarisa zvose izvi nekuti vaisava nemichina yechizvino-zvino yaivabatsira kuti vazive nezvemairiro ekunze,” vanodaro.

Vanoti zvipukanana, mhuka dzesango, miti uye mafambiro anenge achiita makore ndezvimwe zvezvinhu zvaicherechedzwa nevakuru vekare kuti vazive mamiriro ekunze.

“Kuvamba kwemakore akasviba, kurira kwenyenze kana shiri chena dziya nezvihuta uye kuwanda kwemasvosve matsvuku kana majuru kwaiva mucherechedzo wekuwandawo kwemvura ichanaya. Zvekare, matatya emhando yemadzetse anodzvova senzira yekudaidza mvura zvekuti varimi vaibva vaziva zvekutosvika pakutangisa kugadzirira minda nembesa dzekudyara panozoturuka mvura,” vanodaro.

Mai Rebbeca Manzou

Mbuya Susan Soko vekuMabvuku, muHarare, vanotiwo zvipfuyo zvine mamwe maratidziro azvinoita kuti kuchanaya mvura yakawanda kana shoma.

“Mhuru dzikaonekwa dzichitungana nekukwakuka kwakuka dzichimhanyisana kureva kuti dziri kushura kunaya kwemvura nekuti kana kuchipisa hadzidaro. Dzimwe nyoka nhema dzisingarume dzinoonekwawo dzofamba-famba mumakomo, mumakura nemuzvivanze asi hadzitenderwi kuuraiwa. Kamba dzinoonekwawo nekuti kamba hadzifambe kunopisa saka zvinoratidza kuti mvura yave pedyo uye kuwanda kwematatya, nyenze, mandere nemikonikoni zvimwe zviratidzo zvemamiriro emwaka.

“Sesu vakwegura, tinotanga kurwadziwa nemisana uye makumbo totoziva kuti svondo hariperi mvura isina kunaya. Kana vane maoparisheni anotangawo kurwadza,” vanodaro.

VaPaul Zakariya – avo vanova executive director wesangano rinomiririra varimi reZimbabwe Farmer’s Union – vanoti kunze kwekushandisa ruzivo rwechivanhu mukunzvera mamiriro ekunze, varimi vanokwanisa kushandisa ruzivo rwechizvino-zvino kuti vasazorasikirwa nenguva mukurima kwavo.

“Ruzivo rwechivanhu kwakakosha asi tinokurudzira varimi kuti varwushandise pamwe chete nerwechirungu vachitengawo midziyo inoratidza huwandu hwemvura inenge yanaya (rain gauge). Tinokurudzirawo kuti varimi vave nemaredhiyo vachiterera nhau dzine chekuita nekurima uye mamiriro ekunze epasi rose kuti vave nekurima kwakanaka vachishanda zvekare navanamudhumeni vari pedyo navo,” vanodaro.

Zvichakadai, sangano reSouthern African Regional Climate Outlook Forum (SARCOF) rinoti matunhu mazhinji ari kuCentral neSouthern Africa – kusanganisira Zimbabwe – achawana mvura yakawanda kana yakadarikidza muchikamu chekutanga chemwaka weZhizha uno.

Izvi zvakabuda pamusangano weSARCOF wakaitwa pamasai-sai (virtual meeting) apo vakaziviswa kuti mvura ichanaya nehuwandu hwayo muchikamu chekutanga chemwaka kubvira munaGumiguru kusvika Zvita wegore rino.

Zimbabwe imwe yenyika dziri kutarisirwa kuwana mvura yakawanda kwemwedzi mitanhatu izere kutanga munaGumiguru kusvika Kurume gore rinouya.

Nyanzvi dzinoona nezvemamiriro ekunze dzakapinda musangano uyu dzinoti kunaya kwemvura uku kuchapa mikana yakakura yekuwanda kwemvura yemumadhamu, goho guru uye nguva yekurima ichange yakareba nekuda kwemwando ucharamba uri pasi.

Mai Rebecca Manzou – vanova director kuMeteorological Services Department – vakatozivisa nyika kuti gore rino mvura ichanaya yakawanda.

Share This:

Sponsored Links