Ruzivo rwegomarara rezamu

03 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Kuna Chiremba

NDIRI mukadzi ane makore 25 okuberekwa. Kwemwedzi wose wadarika, vanhu vaipfeka mbatya dzeruvara rwepink uye vachikurukura pamusoropegomarara rezamu. Kwandiri zvinoita sezvinotyisa. Handina ruzivo kuti zvose izvi zviri pamusoro pei. Munhu angazive sei kuti ane gomarara rezamu uye rinorapwa sei?

Pinky

 Kuna Pinky

Ndinofara zvikuru nekugamuchira tsamba yako iyo unoda kuziva zvakadzama pamusoro pegomarara rezamu. Ndinovimba kuti iwe nevamwe muchabatsirika zvikuru netsanangudzo inotevera. MuZimbabwe, gomarara rezamu riri panhamba pechipiri pazvirwere zvemhando iyi zvinobata vanhukadzi verudzi rwechitema uye rinotevera gomarara rechibereko.

Sangano reZimbabwe National Cancer Registry rinoti gomarara rezamu raive nechikamu che 12.5% pazvirwere zvose zvemakomara kuvanhukadzi vechitema mugore ra2013.

Sangano iri rinoti zvakare chikamu che 7% chevanhu vakafa nekuda kwezvirwere zvegomarara panguva imwe chete iyi. Zvakakosha kuti munhu avhenekwe gomarara nguva iripo kuitira kuti ange achibatsirwa.

Njodzi yegomarara rezamu:

Ongororo yakaitwa inotaridza kuti kune vamwe vanogona kubatwa negomarara kudarika vamwe nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Zvikonzero izvi zvinosanganisira nharaunda inogara munhu.

Zvimwe zvikonzero ndezvinotevera:

– Une makore anodarika 40 ekuberekwa here?

–  Mumhuri memyu mune nhoroondo yekurwara negomarara rezamu here?

–  Kana wakatanga kutevera (kuvanhukadzi) usati wasvitsa makore 12 ekuberekwa uye ndokuzoguma ura wave nemakore 55 uri panjodzi yekubatwa negomarara iri.

–  Kuputa fodya zvakanyanya nekunwa zvinodhaka (kunwa mabhodhoro edoro anodarika maviri kana uri munhurume uye rimwe chete pazuva kuvanhukadzi)

–  Kudya chikafu chine mafuta akawanda nefibre shoma

 –  Kuve nemuviri wakafutisa kana kukurisa zvisina tsarukano

–  Kusabereka kana kuita mwana wekutanga wave nemakore 30 okuberekwa

–  Wakambobatwa negomarara kune rimwe remazamu ako

–  Kugara uchinzwa kushungurudzika

Kudzivirira gomarara rezamu:

Zvirwere zvegomarara, kusanganisira remuzamu, zvinokwanisa kudzivirirwa kuburikidza nekudya zvinovaka muviri pamwe nekuita mitambo inosimbisa muviri. Zvinokurudzirwa kudya chikafu chisina mafuta, shuga nemunyu wakawanda uye kusadya chikafu chinotengwa chakagadzirwa kare kuti chidyiwe (processed foods).

Veruzhinji vanokurudzirwa kudya zvakaita semichero, miriwo, nyama yehuku neyehove pamwe nekugara vachiita mitambo yekusimbisa miviri.

Doro rinofanira kunwiwa riri shoma uye kana zvichibvira fodya ngairege kuputwa zvachose.

Zviratidzo zvegomarara rezamu:

Zviratidzo zvinowanzoonekwa kuomarara kana kuzvimba pedyo nezamu kana muhapwa. Kana munhu akaona zvaasinganzwisise anokurudzirwa kuenda kunovhenekwa kwachiremba nekukasika.

Ngwarira zvakare zvinobuda panyatso dzako pamwe nekusanduka kweruvara rwepazamu nenyatso sezvo kusanduka kweruvara uku kunogona kunge chiri chiratidzo chegomarara. Zvimwe zviratidzo zvigona kusanganisira kuvaviwa, kunzwa kupisa pamazamu kana nyatso, kuona wave kungoperezeka muviri zvisina tsarukano nekupota uchinzwa chando.

Zvisinei, zvimwe zvezviratidzo izvi zvinogona kunge zvichikonzerwawo nezvimwewo zvisinei nechekuita negomarara. Enda unoona chiremba wako kana waona zvausinganzwisisi zvave kuitika kwauri.

Chiremba

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey