Ruzivo rwunochengetedza upenyu pasitendi yeNAC kuZITF

17 Apr, 2019 - 16:04 0 Views
Ruzivo rwunochengetedza upenyu pasitendi yeNAC kuZITF First Lady Amai Auxillia Mnangagwa vachiona zvaive pasitendi yeNAC gore rapera.

Kwayedza

Tapiwa Nyatanga-Pfupa
SANGANO reNational AIDS Council (NAC) – semakore ose – richange richiita zvirongwa zvaro zvekufundisa vanhu maringe neutachiona hweHIV kugungano rechirongwa che60th Edition Zimbabwe International Trade Fair (ZITF) pasi pedingindira rinoti “Kusimudzirwa kwemabhizimusi”.

Zimbabwe, sedzimwe nyika, yakapinda muchirongwa cheFast-Track Strategy nedonzvo rekupedza HIV mugore ra2030.

NAC ichashandisa mukana uyu kuratidzira izvi nekufundisa vanhu kuti yakwanisa kurwisa HIV nenzira dzipi mumakore adarika.

Chirongwa ichi chauya panguva iyo NAC iri kufambira mberi nechenjedzo yekuti vanhu vazive pavamire, kusanganisira zvimwe zvirwere zvakadai seshuga, zvepabonde negomarara, pakati pezvimwe.

Vanhu vachange vachishanyira masitendi akasiyana eZITF nezvinangwa zvakaiyana. Vamwe vachange vachida kuratidzira zvigadzirwa zvavo, vamwe vachitenga.

Zvisinei nezvikonzero zvakasiyana, tinoda kuti vanhu vange vachiwaniswa ruzivo maringe neutano hwavo. Sitendi yeNAC inofanira kushanyirwa pasina kuzengurira.

Vanhu vaiongororwa chirwere cherurundi pasitende yeNAC kuZITF mugore ra2017.

NAC ine ruzivo rwakawanda urwo yakaunganidza kuti igozogoverana nevanhu vemazera ese nemarudzi ese pasina rusarura.

Ruzivo urwu ruchange ruri maringe nekudzivirirwa kweutachiona hweHIV, mararamiro akanaka anoitwa nemunhu anahwo, kurwisa kutapurirwa kweHIV kubva kuna amai huchienda kumwana, gomarara nezvimwe zvirwere zvisina zviratidzo. Zvese izvi zvichange zvichiwanikwa pasitendi yeNAC.

Vechidiki vane makore 10 – 24 ekuberekwa, vakaonekwa vari ivo vari panyatwa mukutapurirwa utachiona hweHIV kana tichienzanisa nevanhu vakuru.

Zvakaonekwa zvakakosha kuti vawaniswe ruzivo maringe nenyaya dzeHIV nekudaro tichange tichiratidza mavhidhiyo, chirongwa chenhaurwa, zvinyorwa nezvimwe zvakawanda.

Vanhukadzi vechidiki vachange vachifundiswa maringe nenhau dzekudanana nevarumue vakuru kuti dzakaipa uye kuti vakwanise kumirira nguva. Kunyangwe vana vari kupuraimari, vanokurudzirwa kushanyira sitendi yeNAC.

Kuchange kuine chirongwa chekuongororwa HIV nechirwere cherurindi pamwe nekupangwa kwemazano pasitendi apa.

Mhuri nevakazvimiririra, vanokurudzirwa kuti vauye vawaniswe rubatsiro urwu. Avo vanenge vaonekwa vaine utachiona hweHIV, vanofundiswa kuti vangagare sei zvakanaka apowo vanenge vasina vachidzidziswa kuti vangachengetedza sei zvavari.

Mai Sinatra Nyatho vanova provincial manager kusangano reNAC kuBulawayo vanoti vakagadzirira zvakanyanya chirongwa ichi.

“Hurongwa hwese hwasvika kwamvura yacheka makumbo uye masitendi ese takamagadzira nenzira yekuti achakwanisa kubatsira munhu wese,” vanodaro.

Sitendi yeNAC inowanikwa paCIH Pavillion, Inkonkoni Drive and Thomas Meikle Boulevard muZITF Grounds.

Share This:

Sponsored Links