Rwisai Covid zvose neHIV

04 Dec, 2020 - 09:12 0 Views
Rwisai Covid zvose neHIV VP Chiwenga

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUTEVEDZERI wemutungamiriri wenyika Vice President Constantino Chiwenga vanoti chirwere cheCovid-19 chadzosera kumashure budiriro yange yavepo mukurwisa HIV neAIDS nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho anomisa kupararira kwedenda iri.

Vachitaura pachirongwa chepadandemutande (virtual conference) pazuva reWorld AIDS Day pakutanga kwesvondo rino, iro rinocherechedzwa nemusi wa1 Zvita pagore, VP Chiwenga – avo vanove zvakare gurukota reutano nekurerwa kwevana – vanoti munhu wose ane basa rekurwisa Covid-19 neHIV.

“Zvava kuda mushandirapamwe wemunhu wose kuti tidzivirire HIV nekuti inofanira kuderera kubva patiri nhasi uno. Zvekare tichiri kushungurudzika zvakanyanya nekuda kwechirwere cheCovid-19 nekuti musvondo radarika takaita nyaya itsva dzinodarika 700. Ngatirambei tichipfeka mamasiki, kugeza maoko nekuregedza kuungana kungava kumakereke nekuti ndizvo zviri kukonzera kuwanda kwenyaya idzi,” vanodaro.

Chamangwiza wesangano reNational AIDS Council, Dr Bernard Madzima, vanoti zuva reWorld AIDS Day gore rino raitwa zvine musiyano zvichitevera kunyuka kweCovid-19.

“Zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19, zuva iri riri kucherechedzwa zvine musiyano apo vanhu vasisaungani sezvaiitwa kare nokudaro vazhinji vari kupinda muchirongwa chino kuburikidza nemasaisai. Tinokurudzira veruzhinji kuti varambe vachitora matanho anotaurwa neveutano mukurwisa Covid-19,” vanodaro.

Zuva iri rakacherechedzwa pasi pedingindira rinoti, “Global solidarity, shared responsibility”.

Dr Madzima vanoti chirwere cheCovid-19 chakauya nezvisungo zvinorambidza kufamba kwevanhu uye izvi zvakakanganisa zvikuru vane HIV munyaya dzekuwaniswa mishonga yemaARV nekuvhenekwa, pakati pezvimwe.

MuZimbabwe pakava nebudiriro huru mukurwisa HIV, zvikaonekwa kuti vanhu 1,3 miriyoni vane hutachiona uhu munyika muno uye 1,2 miriyoni vavo vari pamishonga.

Mugore ra2015, Zimbabwe yaive nechikamu che13,79 percent chevanhu vaive neHIV asi huwandu uhu hwakaderera kuenda pa12,78 percent muna 2019.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey