Sabhuku aroverwa bere . . . ndokukwachirwa muromo nemhuno

04 Jan, 2023 - 13:01 0 Views
Sabhuku aroverwa bere . . . ndokukwachirwa muromo nemhuno Sabhuku Mapfumo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

NYAYA yevanhu vatatu vemumhuri imwe chete avo vakarumwa nebere kwaSadunhu Dzoro, kuZaka, nguva pfupi yadarika yave nepamwe sezvo sabhuku weko ari kunzi akarohwa zvekurohwa zviya achipomerwa mhosva yekuti akapirei nyaya iyi kuvatori venhau veKwayedza.

Izvi zvinotevera kuburitswa kwakaitwa nyaya iyi neKwayedza nguva yadarika mushure mekunge yaita nyaya iyi yekufambira kuenda ikoko.

Sabhuku Mapfumo, VaUrayayi Murambi (61), vanonzi vakazvambaradzwa kurohwa nemusi 3 Ndira nemukomana anonzi Kissmore Mapfumo (30) anova mwana wemukoma wavo apo vaive pabhawa rekwaTom.

Vachitaura vari muchipatara cheMusiso chiri kwakare kuZaka uko vari kurapwa mushure mekukwachurwa mhuno nemuromo wepamusoro uyo wavanoti vakarumwa “sevanokiswa” naKissmore, Sabhuku Mapfumo vanoti nyaya yebere rakaruma vanhu iyi iri kuramba kupera.

“Izvozvi ndiri muchipatara cheMusiso. Muromo wangu wepamusoro wakadamburwa nemhuno ikabviswa chidimbu ndichirumwa naKissmore apo ndaive kubhawa raTom pedyo nemahofisi eZinwa. Vakambenge vambouya kumba vakandiwana ndiri mumunda vari vatatu vakanditi vaida kuti vanhu vaungane nenyaya yekuti ini naMorris Maroyi ndisu takataura nemi (Kwayedza) nenyaya yebere,” vanodaro Sabhuku Mapfumo.

Vanoti vakanzi ivo naVaMorris Maroyi vainanga vanhu ava huroyi kuti ndivo vakatumira bere rakaruma VaRobert Maroyi (43) nemudzimai wavo, Mai Muchanyara Munodya (43) pamwe chete nababa vavo, VaRwativenga Maroyi (84).

Mai Muchanyara Munodya

“Vabva kumunda, vakazouya kumba vari chikwata chevanhu vanosanganisira Sarah Murashiwa, Theresa Banda, Ranganayi Vengai, Elisha Mapfumo, Kissmore Mapfumo nanatsano vavo vaviri vachida kundirwisa. Takazowirirana kuti dare rizoitwa nhasi (musi wa4 Ndira) masikati na1 izvo zvisisakwanisike kuitika nekuti ndatova muchipatara nekurumwa mhuno nemuromo nekuda kwenyaya iyi,” vanodaro.

Sabhuku Mapfumo vanoti nyaya yakakonzera kunetsana kwavo kusawirirana kwemhuri yekwaMaroyi nevemhuri yakavarwisa iyi nekuda kwebindu.

Vemhuri yekwaMaroyi vanonzi vakazorumwa nebere mushure mekunge vanetsana neimwe mhuri yemumusha uyu nekuda kwebindu iri.

“Mushure mekunge vanhu ava vauya kumba tikataurirana, ndakazobva ndava kuenda kubhawa kwaTom uko ndakanogara pangu ndoga. Mukomana uyu Kissmore paakandiona, akangobva kwaaiva ndokusvikondipunzira pasi ndokundigara matunduru achindirova nezvibhakera, achibva azondiruma muromo nemhuno zvikakwachuka.

“Nyaya iyi takazoimhan’ara kumapurisa ekwaChivamba,” vanodaro Sabhuku Mapfumo.

Mudzimai wavo, Mai Rambai Makovere (47), vanoti vakatohaya motokari yekuendesa murume wavo kuchipatara cheMusiso uko vakataurwa navo vari neKwayedza.

“Tava kutyira upenyu hwedu nekuda kwemhuri iyi sezvo kuine mumwe akabva kuSouth Africa murume waamai vakanetserana bindu nemhuri yekwaMaroyi. Vanhu ava vanoratidza kuti vari kuda kuuraya vanhu, tangomirira mapurisa nekuti takamhan’ara.

“Murume wangu haasisina muromo nemhuno,” vanodaro Mai Makovere.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti nyaya yekurohwa kwaSabhuku Mapfumo haisati yasvitswa kumahofisi avo.

Inspector Kudakwashe Dhewa

Munyaya imwe chete iyi, kune n’anga yekwaMambo Nhema, kuZaka iri kupomerwawo kuti yakabuda pachena kuti ndiyo yakatumira bere rakaruma vemhuri iyi uye yakatorohwawo nekuda kwenyaya iyi.

Sekuru Rangarirayi Mamutse (48) vakatsinhira kuti vakarohwa asi ndokuramba kuti vaiva nechekuita nebere rakaruma vemhuri yekwaMaroyi.

Sekuru Mamutse

Sekuru Mamutse

Sekuru Mamutse vakarapa mwanasikana wekwaMaroyi, Mai Tariro Maroyi (34), asi havana kuzopihwa muripo wavo izvo zvinonzi zvakazovapa kuti vatumire bere rakaruma vanhu senzira yekuvarwadzisa.

Zvakadai, Mai Muchanyara Munodya havasati vadzokera kumusha kubva pavakarumwa nebere sezvo vari kugara kumba kwehanzvadzi yavo muguta reMasvingo vachirapwa mavanga ekudyiwa nechikara chesango ichi.

 Sadunhu Dzoro vanoti nyaya yebere rakaruma vanhu iyi yave kunetsa uye vane hurongwa hwekuiendesa kudare raMambo Bota.

Sadunhu Dzoro

“Nyaya iyi yakonzera kusawirirana kwevanhu muno, tinoda kuisvitsa kwamambo wedu Bota kuti igadziriswe ipere zvachose,” vanodaro Sadunhu Dzoro.

Share This:

Sponsored Links