Sadc ngaiite mbiri yemaguta

14 Aug, 2014 - 12:08 0 Views

Kwayedza

KWASARA mazuva mashoma-shoma nokuti musi weSvondo musangano uye weSadc uri kutanga.
Mashoko ari kubva kuHurumende, vanyori veSadc nevatapi venhau vari kuVictoria Falls anoti zvinhu zvese zvamira panzvimbo. Kana mahotera ari muVictoria Falls ari kunzi akazara, zvokuti vamwe vanhu vanenge vachipindira musangano vachibva kuLivingstone, kuZambia, sezvakamboitwa pamusangano weUnited Nations World Tourism Organisation.

Apa nepapo pangada kukwenenzverwa, asi chokwadi ndechokuti Zimbabwe yagadzirira kuti musangano uitwe.

Mutungamiri wenyika President Mugabe vakaudza vanhu kumarinda eHeroes Acre musi weMuvhuro kuti kutora husachigaro hweSadc kuri kuitwa neZimbabwe kunopa mukana wokususukidza zvisungo, zvido nemabasa zveSadc:

“Our humble assumption of the chairmanship of Sadc will see us steering this august body through the promotion, articulation and safeguarding of Sadc principles and programmes”.

Patakazazanura dingindira remusangano uyu svondo rapfuura, hatina kuzotaura kuti idingindira rakapfekena nechirongwa chakamiswa neHurumende yeZimbabwe chokuvandudza mamiriro oupfumi, chirongwa cheZimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation (Zim-Asset).

Muchirongwa ichi mune zvikamu zvina zvakatariswa neHurumede kuti zviburitse nzira dzokuvandudza nadzo upfumi, zvinosanganisira:

1.    Value addition and beneficiation;
2.    Food security and nutrition;
3.    Social services and poverty reduction;
4.    Infrastructure and utilities.

Kuchave nenhaurwa dzakati kuti dzinobata mapazi akawanda anoita kuti dunhu reSadc rifambirane nenguva. Bazi re”Organ on Politics, Defence and Security Cooperation” rinotarisirwawo kuita musangano waro.

Dunhu reSadc rine zvizvarwa zvinosvika mamirioni 277. Asi kuti vanhu vadye vachiguta chinhu chinotarisirwa nemunhu wose mudunhu uyewo pfungwa yavanhu ndeyokuti vatungamiri vaise misoro pamwe chete panyaya iyi, voona kuti matura enyika imwe neimwe azara nechikafu chinokwanira vanhu, nokuti munhu akaguta haanei nezvizhinji, asi kushanda nesimba.

Kugadzikana mudunhu reSadc hakuunzwe nekudya kunobva mumatura avamwe nokuti kapadza kekukumbira hakana ndima.

Chikamu chokurima chakakoshera nyika dzese nokuti zvikamu makumi matanhatu nezviviri kubva muzana zvezvizvarwa zvedunhu reSadc zvinorarama nekurima. Mabasa mazhinji mudunhu anobvawo muchikamu chezvokurima.

Mukurudziro iyi ndichatora mamwe mashoko akabva mutsvakurudzo yakaitwa naKizito Sikuka anoshandira sangano reSouthern African Research and Development Centre.

Sikuka anoti musangano weSadc uri kuitwa mugore rakanzi neAfrican Union, igore renyaya dzezvokurima nokuona kuti kudya kwakakwana kuri panzvimbo (Year of Agriculture and Food Security).

Sikuka anotiwo budiriro yemabasa ekurima mudunhu reSadc inoreva kupa rutsigiro rwakakura kuvarimi, kunyanya varimi vane minda midiki, asi vachikohwa pakuru.

Anoenderera mberi achiti dunhu reSadc rinokurudzira vese vane chokuita namabasa okurima kuti vashande zvakapetwa mukutsigira varimi, kuitira kuti vakohwe pakuru, nokuti varimi ndiwo musimboti wokuvandudzwa kwemabasa ekurima muAfrica, kusanganisra upfumi.

Nokudaro mitemo nezvisungo zvakafanana nokuti varimi vanowana sei zvokurimisa, mbeu, fetiraiza, nezvikwereti kumabhangi, kana kuvepo kwevarimisi zvinosungirwa kujekeswa kuitira kuti goho redunhu rivandudzike nokukura.

Pamusangano weSadc, vatungamiri vanotarisirwa kuongorora zvakare mamiriro enyaya dzokurima mudunhu kuitira kuti kana paine zvimhingamupinyi, zvigadziriswe nguva ichiripo.

Dunhu reSadc rakatora matanho akati kuti kuvandudza nyaya dzezvokurima nokuti mukurima munobva chikamu chiri pakati pezvikamu zvina kubva muzana kusvika pazvikamu makumi manomwe kubva muzana zveGross Domestic Product, uyewo zvikamu gumi nezvitatu zvemari yezvirimwa zvinotengeswa kunze kwedunhu. Matanho atorwa anosanganisira kupa mari yakawanda kuzvikamu zvinoita tsvakurudzo (research); kuona kuti varimi vane minda midiki vawana mikana yemari dzinovabatsira uyewo nokuwedzera mari inobva muhomwe dzehurumende kumapazi okurima.

Matanho aya ari kuratidza kuti ari kubatsira nokuti zvirimwa nezvokudya zviri kuwanda mudunhu, zvichisanganisira nokuti mvura iri kunayawo zvakanaka.

Mamiriro ezvokudya (kukwana nokuwanikwa kwazvo) zvaramba zviri padanho rakanaka munyika zhinji dzomudunhu, mune dzimwe nyika vachiwana goho rinoyevedza, gore negore. Mugore ra2013/14 zvakaonekwa kuti kurimwa kwechibage chinodyiwa munyika dzese dzomuSadc kwakange kwakwira.

Kurimwa kwemufarinya uyo unodyiwa kunyanya kuAngola, Democratic Republic of Congo, Malawi, Mozambique, Tanzania neZambia kwakapfuurawo zvaitarisirwa. Zvakaonekwazve kuti kuchengetwa kwezvipfuyo kuri kusimuka zvishoma nezvishoma.

Varimi vanogona kugadzirira zvakakwana kana vakawana mashoko anovabatsira mumabasa avo nenguva.

Nokudaro, Sadc yakaumba sangano reCentre for Coordination of Agricultural Research and Development for Southern Africa (CCARDESA).

Kurima kunogutsa kunodawo mvura yemudenga neyemadiridziro; zvokutakurisa uyewo nemigwagwa kana njanji dzakanaka, uyewo matura akavakwa zvemhando yapamusoro.

Zvese izvi zvavepo, vanhu vachirima zvinozadza mukombe, ndipo panouya pfungwa yeZimbabwe yokuti ngakuchive nemikana nemichina inoita kuti zvarimwa zvogadzirwa panzvimbo, zvozoenda kwazvinonotengeswa zvatovandudzwa.

Muenzaniso: madomasi haafanirwi kuora kana michina neruzivo zvazara. Zvimwe chete nezvimwe zvirimwa nezvipfuyo.

Ruzivo ruzere mudunhu, asi panofanirwa kuwanikwawo nzira dzokuti munhu wese aruwane zvisinei kuti anorima pakuru kana padiki, nokuti muvhu ndimo munobva upenyu.

 

Share This:

Sponsored Links