Sadza nemasoya chunks

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Sadza nemasoya chunks

Kwayedza

Zviri Mugapu

MASOYA chunks inhapi-tapi kana achinge abikwa zvine unyanzvi uye ane mapuroteni ayo akakosha kumuviri wemunhu.

Svondo rino Tinotenda Mugari wekuMasvingo anotsanangudza mamwe mabikirwo emasoya chunks.

Zvinodiwa:

Komichi yemasoya chunks, mafuta, munyu, matomatisi, hanyanisi, bhinzi nyoro, chikari nemvura yakachena.

Mabikiro:

Fashaidza makomichi matatu emvura

Nyika masoya chunks mumvura inopisa kwemaminitsi mashanu.

Isa chikari chine mafuta pamoto.Nyurura masoya chunks mumvura uchiasvina woakanda mumafuta anopisa.

Chikanga kusvika atsvukira wochekerera hanyanisi, matomatisi nebhinzi nyoro wozozvikanda.

Ramba uchipindura kusvika zvaita muto wakakora.

Isa munyu wakaringana asi usaise godza muto.

Wozodii?

Kana zvadai chibura udye nemhuri. Masoya chunks anogona kudyiwa nesadza kana mupunga, sarudzo ndeyako.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey