Sadza nemuboora une dovi

03 Mar, 2020 - 13:03 0 Views
Sadza nemuboora une dovi Muriwo wemuboora

Kwayedza

Zviri mugapu naMuchaneta Chimuka

Muriwo wemuboora wakakosha zvikuru kuutano hwevanhu sezvo uine Vitamin A neC uye Iron izvo zvinobatsira mukusimbisa mabhonzo nekuwedzera ropa mumuviri.

Svondo rino Susan Mhlanga wekuGokwe anotsanangudza mamwe mabikirwo emuboora.

Zvinodiwa:

Chikari, chipunu, munyu, muriwo wemuboora, matomatisi, mafuta nedovi

Mabikiro:

Geza hanyanisi nematomatisi wocheka kuita zvidimbu zvidiki.

Furura muriwo wougeza wochekerera zvekare.

Gadza chikari pamoto woisa muriwo.

Kanda munyu wakaringana netwumafuta twushoma.

Siya zvikwate kwemaminitsi gumi wozokanda hanyananisi nematomatisi zvawacheka.

Isa dovi zvipunu zviviri woramba uchikurunga kusvika zvave kukwata segwata-gwata.

Munogona kudya nesadza remhunga, rezviyo kana rechibage uye uku kudya kwechivanhu kunovaka muviri.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links