Sadza nemuriwo wemuboora

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Sadza nemuriwo wemuboora Muriwo wemuboora

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU
MURIWO wemuboora unowanikwa zvikuru munguva ino yeZhizha zvekare haunetse kubika uye mudya ndakasungwa kana uchinge wanyatsokaringwa zvine hunyanzvi.

Svondo rino Mai Mercy Gumbo vekuWedza vanorondedzera mamwe mabikirwo emuboora.

Zvinodiwa:

Muriwo wemuboora, mafuta, matomatisi, hanyanisi, chikari, munyu nechipodzi (zvivana zvemanhanga zvichiri zvidiki uye zvitete).

Mabikiro:

Geza muriwo woufurura makanda ekunze.

Chichekerera pamwe nechipodzi woisa muchikari.

Isa pamoto kwenguva duku uye kana muto wava mushoma, chekerera hanyanisi nematomatisi wokanda. Isa munyu nemafuta usiye zvichikwata kwemaminitsi gumi asi uchipindura-pindura kuti zvisangane zvakanaka.

Chipodzi chinoita kuti usavi uve nemuto wakakora.

Wozodii?

Kana waibva, chipakurai mudye nemhuri. Muboora unodyiwa nesadza rezviyo, remhunga kana jena. Unogona kuisa dovi sesarudzo yako.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links