Sahwira apondwa mudzivo remubhawa

04 Dec, 2024 - 16:12 0 Views
Sahwira apondwa mudzivo remubhawa

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuZhombe ari kutsvaga varume vaviri vanove mukoma nemunin’ina avo vari kupomerwa mhosva yekuponda sahwira wavo mushure mekunetsana apo vainwa vose doro mune rimwe bhawa reko.

Nyaya iyi yakaitika nemusi wa2 Zvita nenguva dza5 zuva rodoka apo Philani Sibanda (21) wemumusha waSabhuku Mudzingwa kudunhu raMambo Malisa kuZhombe anonzi akapondwa nevaviri ava.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Noel Mwale naMkhululi Mwale vanova mukoma nemunin’ina, avo vasina kuzivikanwa makore avo ekuberekwa, vanobva mumusha waSabhuku Dlamulomo kudunhu raMambo Malisa vainwa doro panzvimbo yemabhizimisi yeDzimiri vari pamwechete nemuchakabvu uyu.

“Varume ava vainwa doro vose ndokutanga kusawirirana zvakazokonzera kuti vatange kurwa. Mukoma nemunin’ina ava vakazoshandisa zvombo zvinosanganisira demo nebanga, pakutema uye nekubaya Philani Sibanda, akabva apunzikira pasi ndokubva afa ipapo. Vaviri ava pavakaona kuti vaiva vaponda munhu, vakabva vatiza vachienda kusina anoziva,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa ekuZhombe apo mutumbi uyu wakazotakurwa kuendeswa kumochari yechipatara cheko uchimirira kuongororwa nanachiremba.

“Zvakadai, tiri kukumbira kuruzhinji vanoziva kune varume vaviri ava kuti vataurire mapurisa ari pedyo navo kuti vakwanise kusungwa nekuda kwemhosva yavari kupomerwa yekuponda,” vanodaro Insp Mahoko.

Kune vanoda kubatsira mapurisa nekuda kwemashoko akasiyana vakakurudzirwa kuridza nhare panhamba dzinoti 0542221073 kana 0778 069 322.

Zvakadai, mapurisa ari kukurudzira veruzhinji kutsvaga vayananisi kana paine nyaya dzinonetsa pakati pavo uye vosiyana nekatsika kekurwisana.

 

Share This:

Sponsored Links