Sahwira asingazive pekugumira

04 Jun, 2024 - 17:06 0 Views
Sahwira asingazive pekugumira Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MUMWE mudzimai akaendesa sahwira wemurume wake kudare achiti anomufurira kudhakwa zvakadarikidza izvo zvave kuita kuti atadze kuchengeta mhuri nekuti mari yose iri kuperera kubhawa.

Talent Baela akaudza dare reHarare Civil Court kuti Lemigio Padzakashamba anove sahwira wemurume wake anopindira zvekare munyaya dzemumba mavo.

“Murume uyu zuva roga-roga anouya kuzotora murume wangu pamba kuti vaende kubhawa, ndikarambidza murume wangu anotanga kundituka nemashoko anonyadzisa pamberi pevana. Handisisina chimiro pamba pangu nekuti paine maroja anondituka zvekare kuti ndakadyisa mupfuhwira murume nokuti ndinomurambidza kunotandara nevamwe varume kubhawa,” anodaro Baela.

“Rimwe zuva ndakanetsana nemurume wangu iye ndokuuya nechimuti chinotambiswa gorofu achida kundiponda nacho pamberi pevana nemaroja. Ndinokumbirawo kuti ambosuduruka muupenyu hwedu arege kusvika pamba pangu zvachose nekuti zvave kunditadzisa kugara zvakanaka nemurume wangu. Hatina kana chatinoronga nekuti anopindira okonzeresa mhirizhonga pakati pedu.”

Padzakashamba akabvuma kuti aida kurova Baela nechimuti chegorofu nekuti ainunudza vaviri ava apo vairwa.

“Mudzimai uyu ndiye ari kutikanganisa hushamwari hwedu nekuti murume wake akatombouya kumba achindituka achiti ndiri kumukanganisa kugara zvakanaka nemudzimai wake uye aizondicheka-cheka nebanga,” anodaro.

Padzakashamba akauya kudare akaparara nekudhakwa izvo zvakagumbura mutongi nekuti dzimwe nguva aipindura zvisirizvo kana kuti zvaasina kubvunzwa.

Mutongi Johanna Mukwesha vakapa Baela gwaro rerunyararo ndokuudza Padzakashamba kuti asasvike pamba apa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey