Saimba afira mutsime

22 Mar, 2023 - 23:03 0 Views
Saimba afira mutsime Sergeant Major Samuel Chikasha

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 43 ekuberekwa wekwaSabhuku Chipunga, kwaMambo Rusambo, kuRushinga, akawira mutsime achibva afiramo.

Wiriranai Mazvidza anonzi nemusi wa9 Kurume nenguva dza3 masikati, akabva pamba pake achienda kubindu kwake kunogeza akasiya mwanakomana wake, Wonder Mazvidza (16) ari oga pamusha.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kuMashonaland Central, Sergeant Major Samuel Chikasha, vanotsinhira nyaya iyi.

“Wiriranai Mazvidza haana kudzoka kumba uye mwanakomana wake Wonder Mazvidza haanawo kumboita basa nazvo kuti sei baba vake vasina kudzoka kana kuti avatsvage achiti vaingova kudoro uko aifunga kuti vakaenda pavakapedza kugeza.

“Nemusi wa10 Kurume, mwanasikana waWiriranai Mazvidza, Melody Mazvidza (20), anobva mumusha mumwe chete akazosvika kumba kwavo achibvunza kuti baba vavo vaiva kupi achibva ataurirwa kuti vakaenda kunogeza zuva radarika uko vasina kudzoka,” vanodaro Sgt Maj Chikasha.

Melody anonzi akazoenda kubindu achida kunoona kuti baba vavo vakaenda kupi apo akasvikowana mbatya dzavo chete dziri padyo netsime remubindu mavo achibva aita fungidziro yezvakaipa zvakaitika.

“Mwanasikana uyu akazozivisa Lyen Chipunga (49) wemumusha uyu uyo akazozivisa ruzhinji kuti vabatsirane kutsvaga Wiriranai Mazvidza. Vakazobvondora mvura yemutsime iri umo vakawana mutumbi urimo iro rakadzika mamita matatu,” vanodaro Sgt Maj Chikasha.

Mutumbi uyu wakazonyururwa.

“Melody Mazvidza akazonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuRushinga avo vakatanga kuiferefeta. Mutumbi wakazoendeswa kumochari yechipatara cheChimhanda kunoongororwa,” vanodaro Sgt Major Chikasha.

Mapurisa ari kukurudzira veruzhinji kuti vasatambire padyo nenzizi, madhamu nematsime akazara mvura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>