Kingstone Mapupu
MURUME wekuMarondera anove saimba ari muchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals umo ari kurapwa mushure mekudamburwa nhengo yababa neshamwarikadzi yake apo vatadza kuwirirana.
Thomas Tasarirenhamo (43) anonzi akachekwa nhengo iyi neshamwarikadzi yake, Mercy Nhira (24), wekuMarondera kwakare.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Simon Chazovachiyi, vanoti nemusi wa6 Gunyana, Tasarirenhamo akashevedza Nhira kuti vaende vose kumba kwake kunosasana.
“Vaviri ava vakaenda kumba kwaTasarirenhamo,” vanodaro Insp Chazovachiyi.
Vanoti nemusi wa7 Gunyana nenguva dza3 mambakwedza, Tasarirenhamo akazomuka ndokutanga kutaura panhare neimwewo shamwarikadzi.
“Nhira akagumbuka nekuda kwezvakaitwa naTasarirenhamo kunyangwe asina kuda kuzvitaridza. Mukadzi uyu akazotora girazi rekuonesa kumeso iro raiva rakapwanyika riri patebhuru padyo nemubhedha wavaiva varere ndokuriviga mumagumbeze. Akazocheka nhengo zvekuibvisa ipapo,” vanodaro Insp Chazovachiyi.
Vanoti Tasarirenhamo akazonhonga nhengo yake ndokupfeka mbatya achibva aiisa muhomwe, ndokutorana naNhira voenda kunomhan’ara kumapurisa eMarondera Rural.
“Nhira akabva asungwa nekuda kwenyaya iyi, Tasarirenhamo ndokuendeswa kuchipatara cheMarondera General uko akasvikodarikidzwa kuParirenyatwa Group of Hospitals. Mudzimai uyu akamiswa mudare redzimhosva uye akachengetedzwa nyaya yake ichifambira mberi nekuferefetwa,” vanodaro.
Insp Chazovachiyi vanoyambira vanhu vakaroora kuti vasiyane nekuita gumbo mumba gumbo kunze.
“Tinoyambira kuti varume vakaroora kana madzimai akaroorwa vasiyane netsika yegumbo mumba gumbo kunze uyewo kuruzhinji ngatigadzirisei kunetsana kwedu mune zvakanaka kwete kurwisana nekukuvadzana,” vanodaro Insp Chazovachiyi.