Uncategorized

Samhu: Mudzi + mai = chii?

30 Aug, 2019 - 00:08 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA

naIgnatius Mabasa
NDAKANGA ndiri kumhemberero dzevakakunda mumakwikwi eKwayedza African Woman of the Year. Ndakakokwa kuti ndigotaurawo mashoko kumadzimai.

Ndakashaya kuti ndingataure mashoko api kumadzimai. Kunyanya kuomerwa kwangu kwaibva pakuti ini ndaizotaura mumashure maMai Rebecca Chisamba.

Asi zvisinei, ndakataura mashoko andakazokumbirwawo nemumwe munhu aivepo kuti ndigoverane nevamwe vakanga vasipo pachiitiko chekugashidzwa kwemibairo pamakwikwi wKwayedza African Woman of the Year. Mashoko angu aive nhetembo, asi pano regai ndiite ndichitsanangura sezvo ndapihwa mukana.

Mudzimai munhukadzi akabva muhusikana zvekuti anenge ave kunzi mai. Kunzi mai hakureve chete kuti anofanira kunge akabereka vana. Variko madzimai vasina vana vakabva muzvibereko zvavo, asi izvozvo hazvivatadzise kuve vana mai.

Saka kana mudzimai ari mukadzi akasiya zvehusikana, zvinoreva kuti mudzimai munhu anotarisirwa kunge aine chiremerera chaamai.

Kuve nechiremerera chaamai, zvinoreva kuti mudzimai haafanire kuwanikwa achiita zvinhu zvinoitwa nevasikana.

Kana mudzimai akange achizvitora sebhebhi, anenge ave mukadzi benzi.  Anenge ane zvisina kurongedzeka zvakanaka maari, zvekuti kana ari chitsanana, ndiro dzasukwa dzikaturikwa paari dzinenge dzichidonhera pasi.

Kana Mwari vakatuka mukadzi benzi.

Mudzimai haasi bhanzi kana bhazi. Zvinoreva kuti kana mudzimai aine chiremerera, anoremekedzeka.

Haasi munhu anokwaziswa nemaziso eruchiva, iye agodzosera maziso iwayo achiti, “ndiri bhanzi rakamirira kunyobvorwa.”

Ndizvo zvimwechete zvinoita kuti mudzimai asave bhazi rinongoti chero ane kwaari kuda kuenda, nekuti ane mari yake, anorimisa richimutakura.

Kwete, mudzimai munhu ane hudzamu nechiremerera, uye anenge awana mudzimai anoziva kuti mudzimai, anenge awana chinhu chakanaka.

Mudzimai akavakwa nemazwi maviri anoti: Mudzi + mai. Tese tinoziva kuti mudzi ndiwo unotsigisa muti. Kana muti ukashaya mudzi unodonha, uye vanotema huni zvinobva zvavaitira ny’ore.

Kana muti uchinge wadonha, hauchakwanisa kuti upe mumvuri. Saka mudzimai, mukadzi ane hunhu hunenge hwemudzi. Anosimbisa nekupa kuti musha, mhuri nenyika idzikame. Mudzi + mai haazungunutswe kana kudzurwa ny’ore. Akafanana nehoko.

Kana iwo mudzi mukazvicherechedza, hausi pachena. Mudzi wakavanzwa kana kuti wakafukidzwa nevhu.

Nenzira imwechete, mudzimai akafanana nemudzi, haasi munhu ari pachena pakupfeka, pakuita zvinhu zvake haana kufumuka.

Mudzimai anoumba, anofukidzira kana kuvhumbamira, kuchengetedza nekusimbisa. Zvimwechete nepahunhu, patsika, pakuronga, pakufunga kana pamaitiro aanoita zvinhu – kungave kuseka kana kudya – pane zvisingaite pamudzimai nekuda kwekuti ane hunhu hwemudzi.

Mudzimai haangoti mbwe kugara, kana kupfeka haangoti bvuu, waya, yatya – nekuti akadaro tinotya. Ndizvo zvinoita kuti unzwe vanhu vachiti kupenga kunoda mapenzi echirume, kana ari echikadzi zvinorwadza nekuti kufumuka kwavo kufumuka kwezvinoyera.

Mudzimai wandiri kutaura nezvake anogona kunzi nevamwe haawanikwe muhupenyu asi pamwe mumabhuku, asi ariko, uye variko. Mudzimai iyeye wandiri kutaura nezvake haashamise kana kushamisira. Mudzimai wandiri kutaura nezvake mudzi unopa kudya kumuti, kana muti wapihwa kudya wobereka zvibereko. Mudzimai uyu anovaka musha nekuti ndiye mudzi.

Iko kumudzi ndiko kumusha, kwatinobva. MuChiChewa, ChiNdebele vanoti kumuzi.

Iye mudzimai wandiri kutaura nezvake ane nguva yekutsiura, kuranga nekudzora. Ane tsitsi nemwoyo murefu. Ndiye mudzi wetsika nemhuri. Kana mukadzi akange ari mudzi+mai, tinoziva kuti samhu yacho ine anza yekumira kwemba kuti dzi.

Pachivanhu chedu, mudzi unorapa, naiwo madzimai machiremba ezvakawanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>