Sarudza mbeu nehungwaru

23 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Sarudza mbeu nehungwaru Zvimwe zvezvitoro zvakatekeshera munyika zvatova nembeu yeSeed Co

Kwayedza

Ronnie Chigombe
TINOKUKWAZISAI varimi kumativi mana enyika pachirongwa chatinodzidzisana kurima navasahwira veSeed Co. Donzvo redu guru nderekuti murimi awane chikafu chekugutsa mhuri nenharaunda. Nekuti murimi akawana chikafu chakakwana pamba pake achakwanisa kugutsawo nharaunda, nharaunda ikaguta nedunhu richagutawo naiyo nyika inobva yagutawo.

Svondo rino tichabata nyaya yesarudzo yembesa. Mbesa dzakati wandei, kune mbesa yechibage, mapfunde, soyabeans, sugarbeans, gorosi, miriwo yemubindu, nyemba, nzungu nedzimwe dzakasiyana.

Asi tinokurudzira varimi kuti vashandise mbeu dzakasiyana-siyana vasangomire nembeu imwe chete nekuti kurima ibhizimusi. Tikashandisa mbeu imwe chete ikasaita zvakanaka nekushanduka kuri kuita mwaka tinoona kuti murimi anozorasikirwa nebhizimisi rake rekurima, asi kuti akasanganisa mbesa dzake haazoshaiwe chekukohwa.

Kubva pambesa dzadomwa pamusoro, tichataura pamusoro pembesa yechibage nekuti ndiyo yakabata musimboti wenyika. Murimi anokurudzirwa kuti aite sarudzo yembeu yechibaye zvine ungwaru.

Sarudzo yakakosha nekuti ndipo pane hwaro hwekubudirira kana kusabudirira kwemurimi. Sarudzo ikaitwa zvine unyanzvi tinoona kuti murimi anosekerera kubva mukudyara kusvika pakuenda kubhanga.

KuSeed Co tine mhando dzakasiyana dzechibage zvichienderana nekuti murimi anorimira mudunhu ripi, rinonaya mvura here kana kuti kusinganaye mvura uye kuti ane madiridziro here kana kuti anomirira mvura yekunaya.

KuSeed Co tine mhando dzose zvichienderana nekuti murimi anorimira kupi? Tine mbeu inonzi Tsuro SC 301 iyo inokurumidzisisa kuibva uye inoda nzvimbo dziya dzinopisisa Region IV neV. Koita Tsoko SC 403 neimwe itsva SC 419, idzi mbesa dzinorimwawo muRegion IV.

Kunozoita Mbizi SC 513 , SC 529 neimwe itsva ichangoburwa SC 555, idzi tinodzikurudzira kuti dzirimwe muRegion III neIV, toenda kumbeu dzinotora mwaka wepakati nepakati dzatinoti Shumba SC 637, SC 649 neimwe itsva SC 659. Mbesa dzemupanda uyu todzikurudzira kuti dzirimwe muRegion II neIII.

Mupanda wekupedzesera imbesa dzeNzou SC 719 neSC 727, idzi dzinotora mwaka wakati rebei dzichikurudzirwa kurimwa muRegion I, II neIII.

Vanorimira kusinganyatsonaya mvura uye kuchipisa asi vaine madiridziro tinovakurudzira kuti vashandise mbeu dzinotora mwaka murefu mumadiridziro imomo nekuti dzine goho rakawandisa. Kune avo vanoda kurimira chikafu chezvipfuyo  tine mbesa yeyellow yatinokurudzira yemwaka wepakati nepakati SC 608 uye inoitawo zvekare pakugocha.

Mbeu dzekuSeed Co dzakauchikwa nehunyanzvi nekudaro dzine goho guru rinokwanisa kupa murimi pundutso, mukadzitarisa dzine mitsara yakawanda uye kana matsokonyora muchaona kuti miguri ndoinosara iri mitetetete zvichireva kuti zvatinobvisa kuisa mudura zvakawanda kudarika zvatinorasa pachirungu ndiyo yatinoti mbeu dzekuSeed Co dzine “high shelling percentage”.

Pamusoro pazvo, mbeu dzekuSeed Co dzinoshingirira mukupiswa nezuva nemukushaikwa kwemvura(heat and drought tolerance) uye dzakadzivirirwa kuzvirwere zvakawanda zvinowanikwa muchibage zvakafanana nezvemashizha (maize streak virus) kana grey leaf spot.

Mbeu idzi dzava kuwanikwa mumaSeed Co depots akatekeshera nyika yose.

Tinokurudzira varimi kuti vanotenga mbeu muzvitoro zviri pamutemo.

Kuti munzwe zvakawanda fonerai mudhumeni Ronnie Chigombe pa0772240846

Share This:

Sponsored Links