Sarudzo: Ziva kuti kuna mangwana

22 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

PATASVIKA apa unonzwa Mai Rebecca Chisamba vave kuti, “Chiringazuva chedu chatsvuka chikakwata.”

Makazvionera mega vaverengi kuti kune mavhu nemarara evanoda kugara pachigaro chamambo. Vanhu 23 vanoda huPresident.

Ndokupi kwamakambonzwa huwandu hwakadai huchida chigaro chohuPresident? Asi zvaitika muZimbabwe gore rino.

President Mnangagwa, vakamirira bato rinotonga reZanu-PF, vanenge vachitatsurana nevamwe 22 vanosanganisira VaNelson Chamisa veMDC Alliance, Dr Joice Mujuru vePeople’s Rainbow Coalition, Dr Thokozani Khupe veMDC-T, Dr Nkosana Moyo, VaBryn Tauri Mteki (nhengo yakazvimirira), nevamwe.

Kusarudzo yemutungamiri wenyika kune madzimai matatu nevanhurume makumi maviri. Apa, apa, apa pane nyaya inoda kugadziriswa.

Kana kunhengo dzinokwikwidza zvigaro zveParamende nekumakanzuru zvose, dambudziko revamiririri vechidzimai iguru kwazvo rinoda kugadziriswa, sokugadziriswawo kuri kuita nyaya yokuti vechidiki vapinde mune zvematongerwo enyika.

Hapana angapokane kuti madzimai vanozvigonawo, asi chave kudiwa ndechokuti paitwe muonerapamwe usavi hwepanhamo, kwotsvagwa nzira dzokuti munhu wese anogona kushanda mudariro iri apinde pasina rusarura.

Pari zvino hatisati taziva kuti pane vose vari kukwikwidza, vanhurume vangani, madzimai mangani, vechidiki vangani, vakaremara vanganiwo. Asi tichitora zvatakaona kune mapato akaita sarudzo dzemapuraimari, tinoona kumapoka akafanana nemadzimai, vechidiki, nevakaremara, vashoma.

Zvino, basa guru zvaratanga kudai zvii zvatiri kutarisira pamuroora ari kuuyiwa naye, nokuti muroora achakafugidzwa mucheka, anoda kuti timushonongore asati abvisa jira rakavhara chiso chake?

Hama dzadiwa muri kumativi mana enyika yeZimbabwe, vati vasvika here ivava 23 vanoda chigaro chamambo, uyewo kana vakasvika, muri kuvimbiswei?

Vari kukuvimbisai kuvaka mabhiriji pasina rukova here, kana kuti muri kutaurirwa zvinobatika? Vanhu vane chinangwa nokubudirira kwenyu here, kana kuti mashoko avo anoratidza kuti budiriro yavakananga ndeyavo chete.

Kuri kukambenwa, imi vatsigiri nevasiri vatsigiri muri murunyararo here, sekurudziro inogaropihwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa, kana kuti kune vamwe vanofunga kuti kutuka nemhirizhonga ndizvo zvinovawanisa rutsigiro?

Vamwe vanoongorora mafambisirwo esarudzo vanobva pasi rose vatove muno, asi vazhinji vari kuuya mumasvondo ari kutevera.

Chimwe chikonzero ndechokuti kwavari chishamiso kuti Zimbabwe yakati vaongorori nemasangano anotapa nhau vakasununguka kuuya, zvinove zvainetsa musarudzo dzemakore apfuura. Zvinofadza kuti hatisati tanzwa kuti pane zvavari kuona zvinopikisana nokufambisa sarudzo zvakanaka.

Kunyange zvinhu zvichinge muchechetere mvura yeguvi, tinoshushikana tichinzwa nokuona mamwe mapato achida zvokurwisana nokutsvaga mhosva pasina.

Rurimi rweimwe nhengo yeMDC Alliance, VaTendai Biti, rwunoda kurungwa. Zvimwe chetezvo nezvimwe zvinotaurwa naVaChamisa. Mashoko haasi okungoregedzera kunge dombo rinobva murekeni.

Ukazozazanura nokutarisa kuti pasi pomusuva wesadza panei, unoona vari vanhu vari kuita iya inonzi, “kana ndoda kuramba murume, ndoshereketa.”

Tave narwo ruzivo rwokuti vanhu vakapinda vega mudariro rokukwikwidza vanoita maziso anotanga kuona mhosva pese pese, panze pokutaurira vatsigiri kuti ndezvipi zvavainazvo.

Vanhu havadye mashoko chete, asi kuti vanowana pundutso nezvinobva mumashoko avanopakurirwa.

Hongu runyararo rwuriko, asi tinoramba nokumhura mabasa emhirizhonga atinonzwa kuti ari kuitwa namamwe mapato. Operation Restore Legacy haina kuitirwa kuti vamwe vanhu vashaise vamwe rufaro.

Nhasi uno pari kutsvagwa rutsigiro, tiri vana veZimbabwe; tiri vavakidzani; tinopinda tese svondo; takaroorerana kana kuzoroorerana; tichada kukumbirana sauti. Saka kana tikakododzvorana nhasi, musi wa31 July zvichienda mberi mapedza kuvhota muchaita sei?

Toita tichiziva kuti mangwana ariko atichada kumutsana murudo.

Share This:

Sponsored Links