Science lab itsva paHighfield 2 High

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Science lab itsva paHighfield 2 High VaChristopher Kateera (kubva kuruboshwe) vaina VaMorgan Magwenzi naMai Grace Mapudzi vanove District Schools Inspector weHigh-Glen District vachiparura zviri pamutemo Science laboratory yepaHighfield 2 High.

Kwayedza

Daphne Machiri
MUKURU wezvedzidzo mudunhu reHarare, VaChristopher Kateera, vanoti zvakakosha kuvandudza zvidzidzo zveSainzi sezvo zvichibura nyanzvi idzo dzinobatsira mukusimukira kwenyika.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika apo vaiparura zviri pamutemo makamuri ezvidzidzo zveSainzi, maScience laboratory, pachikoro cheHighfield 2 High, muHarare.

“Vana ava vane kodzero yekuwana dzidzo zvisina rusarura nekuda kwekuti ndivo vatungamiri vemangwana. Naizvozvo vanoda kupihwa dzidzo yakakwana, zvikuru yeSainzi sezvo ichibatsira mukusimukira kweupfumi hwenyika.

“Tinotenda mukuru wechikoro chino, VaMorgan Magwenzi, nekushinga kubatanidza vadzidzisi pamwe nevabereki mukuvaka chikoro zvakare nekutsigira zviitiko zvepano,” vanodaro VaKateera.

Vanoti vana vanofanirwa kukoshesa dzidzo yavo sezvo iri iyo nhaka yemangwana.

“Vana vechikoro isu pedu tasakura tazunza, zvasarira kwamuri. Dzidzo inhaka naizvozvo ndinoti shamwari yakanaka ibhuku. Torega kuita misikanzwa uye ndinofara nezvandanzwa kuti chikoro chino chine vana vanoterera vane tsika, ngatirambei takadaro,” vanodaro VaKateera.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, VaMagwenzi vanotenda vabereki nekushanda pamwe chete kwavari kuita nechikoro chavo.

“Ndinotendawo vamwe vakuru vezvikoro vakava neni mukushinga kuti chikoro cheHighfield 2 High chisvike pachiri. Science lab yedu ichapa vana mukana wekuti varatidze ruzivo nehunyanzvi hwavo,” vanodaro.

VaMagwenzi vanoti chikoro chavo chave kudadisa.

“Iye zvino Highfield 2 High yakatora mukombe mudunhu rezvikoro zveHigh-Glen district mune zvemijaho yekumhanya uye ndicho chikoro chine vana vane hunhu netsika zvinonwisa mvura mudistrict kusvika kupurovhinzi,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>