Seed Co: Dura regoho, ruzivo

23 Aug, 2019 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Godwill Macherera
KWAKAVA nemufaro mukuru mumusha wekwaButete, kuSanyati Ward 10, kudunhu reMashonaland West, uko kwaiva negungano reSeed Co rekudzidzisa varimi nezvembeu dzechibage, mapfunde nemuriwo idzo dzinouchikwa nekambani iyi.

Varimi vakafarira zvikuru tsanangudzo yakavapo pamaitiro oita mbeu itsva dzakaita seSC 529 neSC 649 pamamiriro okunze akashata. Mbeu idzi dzakapa goho rakashamisa varimi zvokuti vakaratidza kunonokerwa nemwaka kuti vatenge vagonodzidyarawo kuminda yavo.

SC Sila, anova mapfunde akapa varimi shungu sezvo akabuda zvakanaka uye murimi akapupura oga kuti haana kuita dambudziko neshiri.

Nyaya yembeu nekurimwa kwemiriwo yakazarura pfungwa dzevarimi maererano nekuvandudza kupinda kwemari muhomwe dzzavo kubva gore richitanga kusvika richinopenderwa. Izvi zvakaita kuti nyaya yekuti kurima ibhizimusi isangova rwiyo asi kuti zvive zvinobatika mukuita.

KUTI SEED CO NDIKO KUTI SADZA NEMURIWO!!! Zvedi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>