Seed Co ihochekoche nevarimi

17 May, 2019 - 00:05 0 Views
Seed Co ihochekoche nevarimi Varimisi veSeed Co vanoti VaGodwill Macherera naVaTrust Muzozviona vari mubishi kukusha shoko kuvarimi pamusoro pemarimirwo akanaka echibage.

Kwayedza

Godwill Macherera
AKANGA ari makuwerere pamusha waBaba naMai Matanhire vekuPortlet Estate, kuMakonde, mudunhu reMashonaland West.

Apa paive nekuratidzira (field day) yemunda wakarimwa chibage cheSC 727 icho chakaita zvakanaka chose.

Chakanyanyofadza varimi inhau yekuti mbeu iyi yakabvuma zvikuru, zvisinei nekushata kwanga kwakaita mwaka uno nezuva. SC 727 yakava mhupuro yekuti zvirokwazvo mbeu dzekuSeed Co dzinoshingirira muzuva, murimi agotokohwa zvakanaka.

Munyarikani mukuru aivepo ndiVaRunesu avo vakabva kuhofisi yaMudzviti (District Administrator) uye vakakurudzira varimi kuti vashande nesimba uye vave vakavimbika pazvirongwa zvakafanana nezveCommand Agriculture kuti nyika isimukire panyaya dzeupfumi.

Varimi vakabatsirikanawo neruzivo rwavakapakurirwa nevarimisi vekuAgritex nevamwe vanoitawo zvemishonga yemuminda nevemafetireza.

Kuitwa kwema”field days” aya mucherechedzo mukuru wekuti kambani huru pakuuchika nekutengesa mbeu, yeSeed Co, inoramba iri hochekoche nevarimi kumatunhu ose enyika.

 

Kuti Seed Co ndiko kuti Sadza nemuriwo! Zvedi.

Share This:

Sponsored Links