Seed Co nevarimi vopangana mazano

31 May, 2022 - 17:05 0 Views
Seed Co nevarimi vopangana mazano Beauty Magiya

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KAMBANI huru munyaya dzekuuchika mbeu munyika muno, yeSeed Co Zimbabwe, yakaita musangano wemazuva mana kuStapleford svondo rapera uko varimi nevarimisi vakadzidziswa pamusoro pemarimirwo emiriwo emandorokwati sezvo zvichabatsira mukusimudzira upfumi hweZimbabwe nekuvandudza utano hwemhuri.

Vachitaura pachiitiko ichi, Mai Felistus Gurajena, avo vanova general manager weSeed Co Vegetables, vanoti chirongwa chekurima mbesa dzakadai sembatatisi, matomatisi, mhiripiri, lettuce, makabhichi, hanyanisi, magaka nemanwiwa chakatanga mugore ra2015.

“Kambani yeSeed Co yaizivikanwa ichiuchika mbeu dzechibage kunyanya, asi mugore ra2015 takatanga kupinda muchirongwa chekuuchika miriwo mushure mekuona kuti murimi haangaponi nesadza roga, asi kuti anotodawo muriwo mubindu rake kuti asarasikirwe nemari achitenga kuzvitoro. Saka pano tine varimi vabva kumatunhu akasiyana pamwe nemadhumeni avo vari kufundiswa nezvekurima miriwo yakatsaukana.

“Vari kufundiswa kubvira pakugona kusarudza mbeu yakanaka inopa goho guru, marimirwo, fetiraiza inodiwa, kupatsanura zvirimwa pakudyara uye nzira kwadzo dzekutsvaga misika yekutengesera munyika muno nekunze,” vanodaro.

Mai Gurajena vanoenderera mberi vachiti, “Tinoshanda nemakambani makuru ari muno nekunze anouchika mbeu dzemiriwo. Saka pano varimi vari kudzidza zvakawanda zvichasandura upfumi hwenyika nekupedza nzara nehurombo.”

Beauty Magiya, anova murimisi uye achiona nezvekutengesa kuSeed Co Vegetables, anoti miriwo inogona kurimwa pandima diki uye mushure memazuva makumi matatu kana makumi mapfumbamwe, murimi anenge otokohwa.

Mumwe wevarimisi veSeed Co wekudunhu reMashonaland West neCentral, VaLabyriuth Sibanda, vakafundisa varimi maringe nezvemhando dzematomatisi anokwanisa kurimwa mumwaka wechando.

“Matomatisi anopa mari yakawanda kuvarimi nekuti anogona kudyiwa akadaro semasalads kana kubikwa achigadzira supu. Kumisika, pakireti rematomatisi murimi anogona kuwana US$18 kusvika US$20, kureva kuti kana akatengesa makireti gumi anowana US$200.

“Saka murimi haazotadzi kuendesa vana kuchikoro nekurititira mhuri,” vanodaro.

Mai Jane Hlongwane vanorima vari kuBwerudza kwaMadzadza, kuChipinge vanoti vakadzidza zvakawanda pamusangano wevarimi uyu zvichaita kuti vasandure marimiro avo.

“Kune dzimwe mhosho dzataiita mukurima saka madhumeni edu atifundisa zvakanyanya. Ini ndinofarira kurima hanyanisi nepeas nekudaro ndave kuziva machengeterwo adzo mushure mekukohwa uye nzira dzekutsvaga misika mikuru muno nekunze,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links